Mabasa 3:26 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 3:26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mwari akati amutsa muranda wake, akatanga kumutuma kwamuri kuti akuropafadzei nokukutendeutsai mumwe nomumwe wenyu kubva panzira dzenyu dzakaipa.”
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 BDSCMabasa 3:26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Mwari akatanga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, achidzora mumwe nomumwe wenyu pazvakaipa zvenyu.”
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SNA2002Mabasa 3:26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Mŋari wakataŋga kukumutsirai imi Muranda wake, akamutuma kukuropafadzai, acidzora mumŋe nomumŋe wenyu paɀakaipa ɀenyu.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SUB1949Mabasa 3:26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.”
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SCLBMabasa 3:26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Mwari paakamutsa muranda wake akamutumira pokutanga kwamuri kuti akukomborerei nokukutendeutsai mose kubva kuuipi hwenyu.”
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SCLBD