Mabasa 3:11 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 3:11 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 BDSCMabasa 3:11 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SNA2002Mabasa 3:11 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SUB1949Mabasa 3:11 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SCLBMabasa 3:11 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa.
Pakurirana nevamwe
Mabasa 3 SCLBD