Mabasa 3:1-12
Mabasa 3:1-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Rimwe zuva Petro naJohani vakanga vachikwidza kuenda kutemberi nenguva yokunyengetera, panguva yechitatu yamasikati. Zvino mumwe murume akanga aberekwa ari chirema, aitakurwa achiendeswa pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye aiiswa ipapo mazuva ose kuti apemhe kuna avo vaipinda mutemberi. Akati aona Petro naJohani voda kupinda, akavakumbira mari. Petro akamutarisisa, Johani akadarowo. Ipapo Petro akati kwaari, “Titarise!” Saka murume akavatarira, achifunga kuti achapiwa chinhu navo. Ipapo Petro akati, “Sirivha negoridhe handina, asi chandinacho ndinokupa. Muzita raJesu Kristu weNazareta, simuka ufambe.” Akamubata noruoko rworudyi, akamubatsira kuti asimuke, pakarepo tsoka dzomurume uyu nezviziso zvetsoka dzake zvikasimba. Akakwakuka, akamira, uye akatanga kufamba. Ipapo akapinda navo mutemberi, achifamba uye achisvetuka-svetuka, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakati vachimuona achifamba achirumbidza Mwari, vakamuziva kuti ndiye murume uya aisigara achipemha ari pasuo retemberi rainzi Rakanaka, uye vakakatyamara vakashamiswa kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Mupemhi akati achakabatirira pana Petro naJohani, vanhu vose vakashamiswa vakauya kwavari vachimhanya kunzvimbo yainzi Biravira raSoromoni. Petro akati aona izvi, akati kwavari, “Imi varume veIsraeri, seiko izvi zvichikushamisai? Munotarisireiko kwatiri sokunge taita kuti murume uyu afambe nokuda kwesimba redu kana nokuda kwokururama kwedu?
Mabasa 3:1-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Petirosi naJohani vakakwira kutemberi nenguva yokunyengetera yepfumbamwe. Zvino mumwe murume, chirema kubva padumbu ramai vake, akanga achitakurwa; vaimuisa zuva rimwe nerimwe pasuo wetemberi, wainzi Wakanaka, kuti akumbire zvipo kuna vaipinda mutemberi. Iye akati achiona Petirosi naJohani voda kupinda mutemberi, akakumbira kuti apiwe chipo. Zvino Petirosi akamutarisisa, naJohaniwo, akati, “Titarire.” Akavatarira, achiti ndichapiwa chinhu navo. Asi Petirosi akati, “Sirivha nendarama handina; asi chandinacho ndinokupai. Nezita raJesu weNazareta, chifamba.” Akamubata ruoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake nezviziso zvetsoka dzake zvakasimba. Akakwakuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda navo mutemberi, akafamba achipembera, achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakamuona achifamba, achirumbidza Mwari. Vakamuziva, kuti ndiye aigarira zvipo pamusuo Wakanaka wetemberi; vakakatyamara zvikuru nokushamiswa nezvaakaitirwa. Zvino akati achakabata Petirosi naJohani, vanhu vose vakamhanyira kwavari pabiravira, rainzi raSoromoni, vakashamiswa kwazvo. Zvino Petirosi akati achiona izvozvo, akapindura vanhu, akati, “Varume vaIsiraeri, mashamiswa neiko pamusoro pouyu? Munotitarisisa neiko, setinenge tamufambisa nesimba redu, kana nokunamata kwedu Mwari?
Mabasa 3:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Rimwe zuva Pita naJohani vaienda kuTemberi panguva dzokunamata paawa yechitatu masikati. Mumwe murume akanga akaremara kubvira pakuberekwa kwake aitakurwa zuva nezuva achindorariswa pasuo guru rainzi Suorakanaka kuti akumbire rubatsiro kuvanhu vaipinda muTemberi, paakaona Pita naJohani vava kuda kupinda muTemberi, akavakumbira rubatsiro. Pita aina Johani akanyatsomutarisisa akati, “Titarise,” iye ndokuvanan'anidza achitarisira kugamuchira chimwe chinhu kwavari. Asi Pita akati, “Sirivha kana ndarama handina, asi ndinokupa chandinacho. Muzita raJesu Kristu weNazareti, ‘Chifamba.’ ” Ndokubva amubata ruoko rworudyi achimusimudza. Pakarepo tsoka dzake nezviziso zvadzo zvakabva zvasimba. Akakwakuka akamira akafamba akapinda muTemberi pamwechete navo achiti pamwe fambei pamwe osvetuka svetuka achirumbidza Mwari. Vanhu vose vakamuona achifamba achirumbidza Mwari vakamuziva kuti ndiye uya aigaririra rubatsiro paSuorakanaka reTemberi. Vakakatyamadzwa vakanana kwazvo nezvakanga zvaitika kwaari. Paakaramba angoti name name naPita naJohani vanhu vose vakati wiri wiri kwavari muberere rinonzi Berere raSoromoni vachishamiswa. Pita paakazviona akataura kuvanhu achiti, “Varume vaIsiraeri munoshamisika sei nezvizvi? Munotinan'anidza sei sokunge isu ndisu taita kuti afambe nesimba nounamati wedu?
Mabasa 3:1-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Petro naJohane ʋakakwira kutembere neŋguʋa yokunyeŋgetera yepfumbamŋe. Ɀino mumŋe murume, waikamhina kubva paɗumbu ramai ʋake, wakaŋga acitakurwa; ʋaimuisa zuʋa rimŋe nerimŋe pamukoʋa wetembere, wainzi Wakanaka, kuti akumbire ɀipo kunaʋaipinda mutembere. Iye wakati aciʋona Petro naJohane ʋoɗa kupinda mutembere, akakumbira kuti apiwe cipo. Ɀino Petro akamutarisisa, naJohane ʋo, akati: Titarire. Akaʋatarira, aciti ndicapiwa cinhu naʋo. Asi Petro akati: Sirveri nendarama handina; asi candinaco ndinokupa: Nezita raJesu weNazareta, cifamba. Akamuɓata ruʋoko rworudyi, akamusimudza; pakarepo tsoka dzake neɀiziso ɀetsoka dzake ɀakasimba. Akavazuka, akamira, ndokufamba; ndokupinda naʋo mutembere, akafamba acipembera, acirumbidza Mŋari. Ʋanhu ʋose ʋakamuʋona acifamba, acirumbidza Mŋari. Ʋakamuziʋa, kuti ndiye waigarira ɀipo pamukoʋa Wakanaka wetembere; ʋakakatyamara ɀikuru nokushamiswa neɀaakaitirwa. Ɀino wakati acakaɓata Petro naJohane, ʋanhu ʋose ʋakamhanyira kwaʋari paɓiraʋira, rainzi raSoromoni, ʋakashamiswa kwaɀo. Ɀino Petro wakati aciʋona iɀoɀo, akapindura ʋanhu, akati: Ʋarume ʋaIsraeri, mashamiswa neiko pamsoro poyuyu? Munotitarisisa neiko, setineŋge tamufambisa nesimba reɗu, kana nokunamata kweɗu Mŋari?
Mabasa 3:1-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)