Mabasa 28:8 - Compare All Versions
Mabasa 28:8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa.
Mabasa 28:8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa.
Mabasa 28:8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa.
Mabasa 28:8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ɓaɓa ʋaPubrio ʋakaŋga ʋaʋete pasi, ʋakaɓatwa nefiviri nokuɓuɗisa ropa; Pauro akapinda kwaʋari, akanyeŋgetera, ndokuisa maʋoko ake pamsoro pake, akamuporesa.
Mabasa 28:8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa.