Mabasa 28:1-14
Mabasa 28:1-14 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Takati tasvika zvakanaka kumahombekombe, takazoziva kuti chitsuwa ichi chainzi Marita. Vanhu vomuchitsuwa ichi vakatiitira tsitsi dzinoshamisa. Vakavesa moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kuchinaya uye kuchitonhora. Pauro akaunganidza svinga retutsotso. Paakanga ava kutuisa mumoto, nyoka, yanzwa kupisa kwomoto, yakanamatira paruoko rwake. Vanhu vomuchitsuwa ichi pavakaona nyoka yakarembera paruoko rwake, vakataurirana pakati pavo vakati, “Munhu uyu anofanira kuva mhondi; nokuti kunyange apunyuka hake mugungwa, kururamisira hakuna kumubvumira kuti ararame.” Asi Pauro akazunzira nyoka mumoto uye haana kurwara. Vanhu vakanga vakatarisira kuti achazvimba kana kuwira pasi pakarepo ofa, asi vakati varindira kwenguva refu uye vakasaona chakaitika kwaari, vakashanduka vakati aiva mwari. Pakanga pano munda waiva pedyo ipapo wakanga uri waPabhuriosi, muchinda mukuru wechitsuwa icho. Akatigamuchira kumba kwake akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Baba vake vakanga vachirwara vavete pamubhedha, vachirwadziwa nefivha uye vane manyoka aibudisa ropa. Pauro akapinda kuti andovaona, uye shure kwokunyengetera, akaisa maoko ake pamusoro pavo akavaporesa. Izvi zvakati zvaitika, vairwara vose vomuchitsuwa vakauya vakaporeswa. Vakatikudza nenzira zhinji uye patakanga tagadzirira kukwira chikepe, vakatipa zvinhu zvataida. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, takaenda kugungwa tikakwira muchikepe chakanga chapedza mwaka wechando chiri pachitsuwa apa. Chakanga chiri chikepe chokuArekizandiria chakanga chine misoro miviri yavamwari mapatya, ivo Kasitori naPorukisi. Takaenda paSirakuse tikandogarapo kwamazuva matatu. Takabvapo tikakwira chikepe tikandosvika kuRegiamu. Zuva rakatevera, mhepo yaibva zasi yakatanga kuvhuvhuta, uye pazuva rechipiri takazosvika paPuteori. Ipapo takawana hama uye dzakatikoka kuti tipedze vhiki imwe tinavo. Tichibva ipapo takaenda kuRoma.
Mabasa 28:1-14 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino takati taponeswa, tikaziva kuti chiwi chinonzi Merita. Vanhu venyika iyo vakatiitira unyoro kwazvo; nokuti vakabatidza moto, vakatigamuchira tose, nokuda kwemvura yakanga ichinaya, uye nokuda kwechando. Zvino Pauro akati aunganidza svinga routsotso, akahuisa pamoto, kukabuda nyoka nokudziya, ikanamatira paruoko rwake. Vanhu venyika iyo vakati vachiona chikara chakaremberera paruoko rwake, vakataurirana, vachiti, “Zvirokwazvo munhu uyu muurayi, nokuti kunyange adoponeswa hake pagungwa, Kururama hakumutenderi kuti ave mupenyu.” Asi iye wakazunzira chikara mumoto, akasanzwa kurwadzwa. Ivo vakati achazvimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; zvino vakati vatarira nguva refu, vakaona kuti haana kusvikirwa nenjodzi, vakashanduka voti, “Iye Mwari.” Zvino pedyo ipapo paiva neminda yomukuru wechiwi, ainzi Pubhuiryo; iye akatigamuchira, akatigarisa zvakanaka mazuva matatu. Zvino baba vaPubhuriyo vakanga vavete pasi, vakabatwa nefivha nokubudisa ropa; Pauro akapinda kwavari, akanyengetera, ndokuisa maoko ake pamusoro pake, akamuporesa. Izvo zvakati zvaitwa, navamwewo vechiwi, vairwara, vakauya, vakaporeswa. Vakatikudza nokukudza kukuru; tichizoenda, vakaisa pachikepe zvinhu zvatakanga tichishayiwa. Mwedzi mitatu yakati yapfuura, tikaenda nechikepe cheArekizandiriya, chakanga chagara chando pachiwi, chaiva nechiratidzo chokuti “Dhiokuri.” Zvino tikaenda napaSirakuse, tikagarapo mazuva matatu. Tikabvapo, tikapota, ndokusvika Regio; zuva rimwe rikati rapfuura, mhepo yaibva zasi ikamuka, tikasvika Puteori nezuva repiri; tikawanapo hama, dzakakumbira zvikuru kuti tigare nadzo mazuva manomwe; naizvozvo tikasvika Roma.
Mabasa 28:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kuzoti tapona kudai takazoziva kuti chitsuwa ichocho chainzi Morota. Vagari vomo vakatibata zvakanakisisa kwazvo. Vakativesera moto vakatigamuchira tose nokuti kwakanga kwatangisa kunaya uye kwaitonhora. Pauro, paakanga aunganidza svinga rehuni akadziisa pamoto, pakabuda chiva pamusana pokupisa chikanamatira paruoko rwake. Vagari vomo pavakaona chipuka ichi, chakarembera paruoko rwake vakataurirana vachiti, “Zvechokwadi munhu uyu imhondi chaiyo. Nyange zvake apunyuka mugungwa. Nyakururama waramba kuti ararame.” Asi iye akazunzira chipuka chiya mumoto. Haana kukuvara. Vakamirira vachifunga kuti zvimwe achazvimba kana kungowira pasi achibva afa. Asi pavakamirira kwenguva yakareba pasina chakaipa chakaitika kwaari, vakasanduka vavakuti, “Ndimwari.” Padyo nenzvimbo iyoyo pakanga pane minda yomukuru mukuru wechitsuwa ichocho ainzi Pubhiriosi akatigamuchira akatichengeta zvakanaka kwamazuva matatu. Zvakaitika kuti baba vaPubhiriosi vakanga varere vachirwara, vachipisa muviri uye namanyoka okuburitsa ropa. Pauro akavashanyira akanamata achiisa maoko ake pavari akavaporesa. Izvi pazvakaitika vamwe vanhu vose vapachitsuwa icho vaiva nezvirwere vakauyawo vakaporeswa. Vakatiremekedza nenzira dzakawanda uye patakanga tava kuda kutangisa kuenda nechikepe vakatiisira muchikepe zvinhu zvokutiraramisa nazvo. Mushure memwedzi mitatu takatangisa kuenda nechikepe chakanga chapedzera nguva yechando chiri pachitsuwa ichocho. Chikepe ichocho chaiva chokuArekizandiria chaiva nechiga chinonzi Vamwarimapatya. Takasvika paSirakosi tikagarapo mazuva matatu, ndokutenderera tikazondosvika kuRegiumu. Mushure mezuva rimwechete kwakamuka mhepo yaibva kumaodzanyemba. Pazuva repiri racho takasvika kuPuteri. Ikoko takawana vehama tikakokwa kuti tigare navo kwamazuva manomwe. Ndiwo masvikiro atakaita kuRoma.
Mabasa 28:1-14 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino takati taponeswa, tikaziʋa kuti ciwi cinonzi Merita. Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakatiitira ʋunyoro kwaɀo; nokuti ʋakaɓatidza mŋoto, ʋakatigamucira tose, nokuɗa kwemvura yakaŋga icinaya, ʋuye nokuɗa kwecando. Ɀino Pauro wakati aʋuŋganidza ȿiŋga roʋutsotso, akabguisa pamŋoto, kukaɓuɗa nyoka nokudziya, ikanamatira paruʋoko rwake. Ʋanhu ʋenyika iyo ʋakati ʋaciʋona cikara cakaremberera paruʋoko rwake, ʋakataurirana, ʋaciti: Ɀirokwaɀo munhu uyu muʋurayi, nokuti kunyaŋge aɗoponeswa hake paguŋgwa, Kururama hakumutenderi kuti aʋe mupenyu. Asi iye wakazuzira cikara mumŋoto, akasanzwa kurwadzwa. Iʋo ʋakati ucaɀimba, kana kuwira pasi pakarepo, akafa; ɀino ʋakati ʋatarira ŋguʋa refu, ʋakaʋona kuti haana‐kusikirwa nenjodzi, ʋakashanduka ʋoti: Iye mŋari. Ɀino pedyo ipapo paiʋa neminda yomukuru weciwi, wainzi Pubrio; iye wakatigamucira, akatigarisa ɀakanaka mazuʋa matatu. Ɀino ɓaɓa ʋaPubrio ʋakaŋga ʋaʋete pasi, ʋakaɓatwa nefiviri nokuɓuɗisa ropa; Pauro akapinda kwaʋari, akanyeŋgetera, ndokuisa maʋoko ake pamsoro pake, akamuporesa. Iɀo ɀakati ɀaitwa, naʋamŋe ʋo ʋeciwi, ʋairwara, ʋakaʋuya, ʋakaporeswa. Ʋakatikudza nokukudza kukuru; ticizoenda, ʋakaisa pacikepe ɀinhu ɀatakaŋga ticishaiwa. Mŋedzi mitatu yakati yapfuʋura, tikaenda necikepe ceAreksandria, cakaŋga cagara cando paciwi, caiʋa neciratidzo cokuti Dioskuri. Ɀino tikaenda napaSirakuse, tikagara’po mazuʋa matatu. Tikabva’po, tikapota, ndokuȿika Regio; zuʋa rimŋe rikati rapfuʋura, mhepo yaibva zasi ikamuka, tikaȿika Puteori nezuʋa repiri; tikawana’po hama, dzakakumbira ɀikuru kuti tigare nadzo mazuʋa manomŋe; naiɀoɀo tikaȿika Roma.
Mabasa 28:1-14 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)