Mabasa 27:7 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 27:7 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Takafamba zvishoma zvishoma mazuva mazhinji uye zvakanga zvakatiomera kusvikira paNidhasi. Sezvo mhepo yakanga ichitidzivisa kuti tifambe mugwara redu, takabva taenda nezasi kweKirete, kwakatarisana neSarimone.
Mabasa 27:7 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino takanatsofamba mazuva mazhinji, tikasvika pakatarisana neKinidho tichitambudzika, mhepo zvayakanga isingatitenderi kufamba, tikapfuura nenyasi kweKiriti, pakatarisana neSarimoni.
Mabasa 27:7 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino takanatsofamba mazuʋa mazhinji, tikaȿika pakatarisana neKinido ticitambudzika, mhepo ɀayakaŋga isiŋgatitenderi kufamba, tikapfuʋura nenyasi kweKrita, pakatarisana neSarmoni.
Mabasa 27:7 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Takafamba nechikepe zvishoma nezvishoma mazuva akati kuti tikasvika, kuKinidhosi zvokutovavarira. Mhepo zvaisina kutibvumira kuenderera mberi, takatofamba tiri kunoenda mhepo kweKiriti tiri pedyo neSarimoni.
Mabasa 27:7 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)