Mabasa 27:23-25 - Compare All Versions
Mabasa 27:23-25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Madeko mutumwa waMwari uyo wandiri wake uye wandinoshumira akamira neni akati kwandiri, ‘Usatya, Pauro. Unofanira kutongwa pamberi paKesari; uye nenyasha Mwari akupa upenyu hwavose vanofamba newe muchikepe.’ Saka tsungai mwoyo, varume, nokuti ndino kutenda muna Mwari kuti zvichaitika sezvaakandiudza.
Mabasa 27:23-25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Nokuti usiku huno mutumwa waMwari, wandiri wake, nowandinoshumirawo, akamira neni, akati, ‘Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mwari akakupa vose vanofamba newe muchikepe.’ Naizvozvo, varume, tsungai mwoyo, nokuti ndinotenda Mwari, kuti zvichaitika sezvandakaudzwa.
Mabasa 27:23-25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
nokuti ihwo husiku hwanhasi uhu mutumwa waMwari wangu wandinonamata akamira pedyo neni akati, ‘Usatye Pauro, unofanira kundomira pamberi paSiza. Chinzwa Mwari akupa vose vauri kufamba navo nechikepe.’ Naizvozvo tsungai mwoyo varume nokuti ndine chivimbo muna Mwari chokuti zvichangoitika sezvandaudzwa.
Mabasa 27:23-25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Nokuti ʋusiku bguno mutumŋa waMŋari, wandiri wake, nowandinoshumira ʋo, wakamira neni, akati: Pauro, usatya; unofanira kumira pamberi paKesari; tarira, Mŋari wakakupa ʋose ʋanofamba newe mucikepe. Naiɀoɀo, ʋarume, tsuŋgai mŋoyo, nokuti ndinotenda Mŋari, kuti ɀicaitika seɀandakaʋudzwa.
Mabasa 27:23-25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)