Skip to content
Logo yeApp yeBhaibheri

Mabasa 26:13 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 26:13 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Nenguva dzinenge dzamasikati, mambo, ndiri mumugwagwa, ndakaona chiedza chakabva kudenga, chaipenya kupfuura zuva, chikavaima chakandipoteredza ini navandaiva navo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 26 BDSC

Mabasa 26:13 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

zvino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaona chiedza chaibva kudenga, chaikunda kupenya kwezuva, chichindipenyera kumativi ose navandaifamba navo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 26 SNA2002

Mabasa 26:13 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

ɀino, mambo, masikati makuru, ndiri munzira, ndikaʋona ciedza caibva kuɗeŋga, caikunda kupenya kwezuʋa, cicindipenyera kumatiʋi ose naʋandaifamba naʋo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 26 SUB1949

Mabasa 26:13 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 26 SCLB

Mabasa 26:13 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Zuva rava kurova panhongonya, mambo, ndakaona panzira chiedza chakabva kudenga chichipenya kupinda zuva. Chakapenya chakanditenderedza ini navandaifamba navo.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 26 SCLBD