Mabasa 25:26 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 25:26 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi handina chinhu chandinganyatsorondedzera chokuti ndinyorere kuna Changamire pamusoro pake. Naizvozvo ndamuuyisa pamberi penyu iyemi mose, kunyanya pamberi penyu, Mambo Agiripa, kuitira kuti zvichabuda pakuferefeta uku zvigondiwanisa zvokunyora.
Mabasa 25:26 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi handina shoko kwaro rezvokwadi randinganyorera ishe pamusoro pake; saka ndauya naye pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu, imi mambo Agiripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigova nezvandinganyora.
Mabasa 25:26 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi handineshoko kwaro reɀokwaɗi randiŋganyorera ishe pamsoro pake; saka ndaʋuya naye pamberi penyu, ɀikuru pamberi penyu, imi mambo Agripa, kuti kana abvunziswa nemi, ndigoʋa neɀandiŋganyora.
Mabasa 25:26 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora
Mabasa 25:26 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Asi ini handina chinhu chaicho chokunyora nezvake kuna tenzi wangu. Ndiko kusaka ndamuunza pamberi penyu, zvikuru pamberi penyu imi mambo Agiripa kuti mushure mokunge tamuongorora ndiwane chokunyora