Mabasa 25:13-19 - Compare All Versions
Mabasa 25:13-19 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Shure kwamazuva mashoma, Mambo Agiripa naBhenisi vakasvika paKesaria kuti vandopa ruremekedzo rwavo kuna Fesitasi. Sezvo vakanga vachipedza mazuva mazhinji ikoko, Fesitasi akakurukura nyaya yaPauro namambo. Akati, “Pane murume ari pano akasiyiwa ari musungwa naFerikisi. Pandakaenda kuJerusarema, vaprista vakuru navakuru vavaJudha vakauya vachimupomera mhosva vakakumbira kuti atongwe. “Ndakavaudza kuti haisi tsika yavaRoma, yokuendesa munhu upi zvake kuti andofa asati asangana navapomeri vake, uye apiwa mukana wokuzvidavirira pamusoro pemhosva yavanomupomera. Pavakauya pano neni, handina kunonotsa nyaya iyi, asi ndakadana dare pazuva rakatevera ndikarayira kuti munhu uyu apinzwe mudare. Vaimupomera vakati vasimuka kuti vataure, havana kumupomera mhosva ipi zvayo yandaitarisira. Asi, vaingova namashoko okukakavadzana naye pamusoro pechitendero chavo uye napamusoro pomurume akafa anonzi Jesu, uyo anonzi naPauro mupenyu.
Mabasa 25:13-19 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino mamwe mazuva akati apfuura, mambo Agiripa naBherinike vakasvika Kesaria kuzokwazisa Fesito. Vakati vagara mazuva mazhinji, Fesito akaisa mhosva yaPauro kuna mambo, achiti, “Kuno mumwe murume akasiyiwa pano naFerikisi, akasungwa; ndichiri paJerusaremu, vapristi vakuru navakuru vavaJudha vakamumhan'arira, vachikumbira kuti atongerwe rufu. Ndikavapindura, ndikati haizi tsika yavaRoma kuisa kumutongi munhu apomerwa, asati ava navapomeri pamberi pake, akatenderwa kuzvidavirira pamusoro pemhosva yaanopomerwa nayo. Zvino vakati vaungana pano, handina kunonoka, asi fume mangwana ndakagara pachigaro chokutonga, ndikarayira kuti vauye nomurume uyo. Zvino vapomeri vakasimuka, asi havana kumupomera mhosva yezvinhu zvakaipa zvandakanga ndichiti vachamupomera nazvo; asi vakanga vanamamwe mashoko okupira kwavo, noomumwe Jesu akanga afa, ainzi naPauro mupenyu.
Mabasa 25:13-19 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Kwakati kwapera mamwe mazuva mambo Agiripa akauya naBhenisi kuSezaria kuzogamuchira Fesitusi. Sezvavakagara mazuva mazhinji, Fesitusi akapira mhosva yaPauro pana mambo achiti, “Pane murume akasiiwa ari muusungwa naFerekisi. Zvino pandaiva kuJerusaremu vaPristi vakuru navakuru vakuru vavaJudha vakandizivisa nezvake vachikumbira kuti ndimutonge. Ndakavapindura kuti haisiri tsika yavaRoma kuturira munhu kuti arangwe asati atongesana vakatarisana navakamumhan'arira achiwaniswa nguva yokuzvidavirira nezvemhosva yaanenge achipiwa. Naizvozvo pavakaungana kuno handina kunonoka asi kuti pazuva rakatevera ndakagara pachigaro changu chokutonga ndikati murume wacho auiswe. Vamhan'ari pavakasimuka havana kuunza mhosva panyaya iyi dzine uipi hwandaifunga asi vaiva nezvimwe zvavaikakavadzana nezvechitendero chavo uye nezvaJesu akafa anonzi naPauro mupenyu.
Mabasa 25:13-19 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino mamŋe mazuʋa akati apfuʋura, mambo Agripa naBerinike ʋakaȿika Kesaria kuzokwazisa Festo. Ʋakati ʋagara mazuʋa mazhinji, Festo akaisa mhoȿa yaPauro kunamambo, aciti: Kunomumŋe murume wakasiyiwa pano naFeriksi, akasuŋgwa; ndiciri paJerusarema, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋaJuda ʋakamumhaŋarira, ʋacikumbira kuti atoŋgerwe rufu. ndikaʋapindura, ndikati haizi tsika yaʋaRoma kuisa kumutoŋgi munhu wapomerwa, asati aʋa naʋapomeri pamberi pake, akatenderwa kuɀiɗaʋirira pamsoro pemhoȿa yaanopomerwa nayo. Ɀino ʋakati ʋaʋuŋgana pano, handina‐kunonoka, asi fume maŋgwana ndakagara pacigaro cokutoŋga, ndikaraira kuti ʋaʋuye nomurume uyo. Ɀino ʋapomeri ʋakasimuka, asi haʋana‐kumupomera mhoȿa yeɀinhu ɀakaipa ɀandakaŋga ndiciti ʋacamupomera naɀo; asi ʋakaŋga ʋanamamŋe mashoko okupira kwaʋo, noomumŋe Jesu wakaŋga afa, wainzi naPauro mupenyu.
Mabasa 25:13-19 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)