Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 24:14-16 - Compare All Versions

Mabasa 24:14-16 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Zvisinei hazvo, ndinobvuma kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu somuteveri weNzira, yavanoti yakatsauka. Ini ndinotenda zvinhu zvose zvinobvumirana nomutemo uye nezvakanyorwa muVaprofita, uye ndine tariro imwe cheteyo muna Mwari savarume ava, kuti kuchava nokumuka kwavakafa vose zvavo vakarurama navakaipa. Saka ndinoshingairira nguva dzose kuti hana yangu ive yakachena pamberi paMwari navanhu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 24 BDSC

Mabasa 24:14-16 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi ndinotenda hangu kwamuri, kuti ndinoshumira Mwari wamadzibaba edu neNzira, yavanoti idzidziso yakatsauka, ndichitenda zvose zvomurayiro nezvakanyorwa pavaporofita; ndine tariro kuna Mwari, iyo yavanotendawo vamene, kuti kuchavapo kumuka kwavakafa kwavakarurama navasakarurama. “Pachinhu ichi ndinoedza zvikuru kuti misi yose ndive nehana isina mhosva kuna Mwari nokuvanhu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 24 SNA2002

Mabasa 24:14-16 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi ndinotenda haŋgu kwamuri, kuti ndinoshumira Mŋari wamadziɓaɓa eɗu neNzira, yaʋanoti idzidziso yakatsauka, ndicitenda ɀose ɀomurairo neɀakanyorwa paʋaprofita; ndinetariro kunaMŋari, iyo yaʋanotenda ʋo ʋamene, kuti kucaʋa’po kumuka kwaʋakafa kwaʋakarurama naʋasakarurama. Pacinhu ici ndinoidza ɀikuru kuti misi yose ndiʋe nehana isinemhoȿa kunaMŋari nokuʋanhu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 24 SUB1949

Mabasa 24:14-16 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita. Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa. Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 24 SCLB

Mabasa 24:14-16 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi izvi ndinobvuma pamuri, kuti ndinonamata Mwari wamadzibaba edu ndichitevera nzira yekavari kuti kaboka. Ndinotenda zvose zvakatemwa nomutemo kana zvakanyorwa navaporofita. Ndine chitarisiro muna Mwari zvinobvumwa naivava kuti kuchava nokumuka kwavafi, vakarurama navakaipa. Saizvozvo ndinoedza kwazvo kuchengetedza hana yangu yakachena kuna Mwari nokuna vanhu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 24 SCLBD