Mabasa 23:6 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 23:6 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro, achiziva kuti vamwe vavo vakanga vari vaSadhusi uye kuti vamwe vakanga vari vaFarisi, akadanidzira kuDare Guru akati, “Hama dzangu, ini ndiri muFarisi, mwanakomana womuFarisi. Ndimire pano ndichitongwa nokuda kwetariro yangu yokumuka kwavakafa.”
Mabasa 23:6 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino Pauro akati achiona kuti vamwe ndivaSadhusi navamwe vaFarisi, akadanidzira mumakurukota, akati, “Varume, hama, ini ndiri muFarisi, mwanakomana wavaFarisi, ndinotongwa pamusoro petariro nokumuka kwavakafa.”
Mabasa 23:6 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino Pauro wakati aciʋona kuti ʋamŋe ndiʋaSaduse naʋamŋe ʋaFarise, akaɗanidzira mumakurukota, akati: Ʋarume, hama, ini ndiri muFarise, mŋanakomana waʋaFarise, ndinotoŋgwa pamsoro petariro nokumuka kwaʋakafa.
Mabasa 23:6 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro, paakaona kuti chimwe chikamu chaiva chiri chavaSadhusei, chimwe chiri chavaFarisei akadaidzira mudare achiti, “Varume hama ini ndiri muFarisei, mwana womuFarisei. Ini ndiri kupinzirwa dare pamusana pechitarisiro uye kumuka kwavakafa.”
Mabasa 23:6 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)