Mabasa 20:36-38 - Compare All Versions
Mabasa 20:36-38 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
Mabasa 20:36-38 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose. Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda, vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.
Mabasa 20:36-38 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.
Mabasa 20:36-38 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Wakati ataura iɀoɀo, akafugama, akanyeŋgetera naʋo ʋose. Ʋakacema ɀikuru ʋose; ʋakawira pamutsipa waPauro, ʋakawonekana naye nokumuȿeta, ʋaneshuŋgu kwaɀo neshoko raakataura rokuti haʋacazoʋoni ciso cake. Ipapo ʋakamuperekedzera kucikepe.
Mabasa 20:36-38 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.