Mabasa 20:32-38 - Compare All Versions
Mabasa 20:32-38 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
“Zvino ndinokuisai kuna Mwari nokushoko renyasha dzake, iro rinogona kukuvakai uye richikupai nhaka pakati paavo vakaitwa vatsvene. Handina kumbochiva sirivha yomunhu kana goridhe kana nguo yomunhu. Imi munoziva pachenyu kuti maoko angu aya akabatira kushayiwa kwangu nokushayiwa kwavandaiva navo. Mune zvose zvandakaita, ndakakuratidzai kuti namabatiro akaoma aya, tinofanira kubatsira vasina simba, tichirangarira mashoko aShe Jesu pachake paakati, ‘Kupa kwakaropafadzwa kupfuura kugamuchira.’ ” Akati ataura izvi, akapfugama pamwe chete navo vose uye vakanyengetera. Vose vakachema pavakamumbundikira uye vakamutsvoda. Zvakanyanya kuvarwadza mashoko aakataura achiti havaizoona chiso chakezve. Ipapo vakamuperekedza kuchikepe.
Mabasa 20:32-38 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
“Zvino ndinokuisai kuna Ishe, neshoko renyasha dzake, iye ane simba rokukuvakisai, nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene vose. Handina kuchochora sirivha, kana ndarama, kana nguo dzomunhu mumwe. Munoziva imi mumene, kuti maoko awa akabatsira kushayiwa kwangu nokwavanhu vandaiva navo. Pazvinhu zvose ndakakuratidzai, kuti muchibata muchidai, munofanira kubatsira vasina simba, nokurangarira mashoko aIshe Jesu, sezvakataura amene achiti, ’Kupa kuno mufaro chaiwo kupfuura kugamuchira.’ ” Akati ataura izvozvo, akapfugama, akanyengetera navo vose. Vakachema zvikuru vose; vakawira pamutsipa waPauro, vakaonekana naye nokumutsvoda, vane shungu kwazvo neshoko raakataura rokuti havachazooni chiso chake. Ipapo vakamuperekedzera kuchikepe.
Mabasa 20:32-38 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvino ndinokukumikidzai kuna Mwari uye kuShoko renyasha dzake rinokwanisa kukuvakai nokukupai nhaka pakati pavakaitwa vatsvene. Handina kuchiva sirivha kana ndarama kana hanzu dzomunhu. Imi pachenyu munozviziva kuti maoko aya ndiwo aindishandira pane zvandaida nezvaidikanwa navandaiva navo. Ndakakuratidzai, muna zvose, kuti nokushingaira kudaro munhu anofanira kubatsira vakarukutika, tichiyeuka mazwi aTenzi Jesu zvaakataura achiti, ‘Chikomborero chikuru kupa pane kugamuchira.’ ” Paakapedza kutaura izvi akapfugama akanamata navo vose. Vose vakachema vakambundikirana naPauro vakamutsvoda. Vaisuwiswa zvikuru nezwi raakanga ataura rokuti, “Havachazoona uso hwake zvakare.” Vakamuperekedza kuchikepe.
Mabasa 20:32-38 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ndinokuisai kunaShe, neshoko renyasha dzake, iye unesimba rokukuʋakisai, nokukupai nhaka pakati paʋakaitwa ʋatȿene ʋose. Handinakucocora sirveri, kana ndarama, kana ŋguʋo dzomunhu mumŋe. Munoziʋa imi mumene, kuti maʋoko awa akaɓatira kushaiwa kwaŋgu nokwaʋanhu ʋandaiʋa naʋo. Paɀinhu ɀose ndakakuratidzai, kuti muciɓata muciɗai, munofanira kuɓatsira ʋasinesimba, nokuraŋgarira mashoko aShe Jesu, seɀaakataura amene aciti: Kupa kunomufaro caiwo kupfuʋura kugamucira. Wakati ataura iɀoɀo, akafugama, akanyeŋgetera naʋo ʋose. Ʋakacema ɀikuru ʋose; ʋakawira pamutsipa waPauro, ʋakawonekana naye nokumuȿeta, ʋaneshuŋgu kwaɀo neshoko raakataura rokuti haʋacazoʋoni ciso cake. Ipapo ʋakamuperekedzera kucikepe.
Mabasa 20:32-38 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)