Mabasa 2:5-11
Mabasa 2:5-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Zvino muJerusarema maigara vaJudha vaitya Mwari vaibva kundudzi dzose pasi pedenga. Vakati vanzwa kutinhira uyu, vazhinji vakaungana pamwe chete vachishamiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa vachitaura norurimi rwake chairwo. Vakashamiswa kwazvo, vakabvunzana vachiti, “Ko, vanhu ava vose havasi vaGarirea here vari kutaura? Zvino seiko mumwe nomumwe wedu achivanzwa nomutauro waakaberekwa nawo? VaPatio, vaMedhia navaEramu; navanogara kuMesopotamia, Judhea neKapadhokia, Pondasi neEzhia, Firigia nePamufiria, Ijipiti namativi eRibhia pedyo neKureni; vaeni vanobva kuRoma (zvose vaJudha navakatendeukira kuchiJudha); vaKirete navaArabhu, tinovanzwa vachitaura zvishamiso zvaMwari nendimi dzedu chaidzo!”
Mabasa 2:5-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino paJerusaremu pakanga pagere vaJudha, varume vakarutama, vaibva kumarudzi ose pasi pedenga. Zvino kutinhira uku kwakati kwanzwika, vanhu vazhinji vakaungana, vakakanganiswa, nokuti mumwe nomumwe akavanzwa, vachitaura norurimi rwake. Vakakatyamara vose, nokushamiswa, vachiti, “Tarirai, ava vose vanotaura havazi vaGariria here? Zvino tinogovanzwa seiko mumwe nomumwe norurimi rwedu, rwatakaberekwa narwo? VaPatiya, navaMedhia, navaEramu, navanogara Mesopotamia, neJudhea, neKapadhokia, nePonto, neAsia, neFirigiya, nePamufiria, neIjipiti, namativi enyika dzeRibhia, dziri pedyo neKurine, navaeni vabva Roma, navaJudha, vanyakupandukira kuchipinda, navaKiriti, navaArabhia, tinovanzwa vachitaura nendimi dzedu mabasa makuru aMwari.”
Mabasa 2:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Izvozvo muJerusaremu makanga muina vaJudha, vanhu vakanga vakazvipira pakunamata, vakanga vauya kuzombogaramo vaibva kumarudzi ose avanhu enyika dzose dziri pasi pedenga. Nokunzwa kutinhira uku, mhomho yavanhu yakaungana vakashamiswa nokuti mumwe nomumwe akanzwa vachitaura norurimi rwake. Vakakatyamara vakashamiswa vachiti, “Vose vari kutaura ava havasi vokuGarirea here? Zviri kuitika sei kuti mumwe nomumwe wedu ari kuvanzwa vachitaura norurimi rwake? Panoti vaPatia navaMidhia koti vaEramu navagari vokuMesopatamia nokuJudhea novokuKapadhosia kozoti vokuPondusi neAsia kouyawo vokuFirigia novokuPamufiria kozotiwo vokuIjipiti novokune dzimwe nzvimbo dzeRibhia pedyo neKurini. Kune vaenzi vanobva kuRoma vechiJudha navakapindukira kuchiJudha. Kune vokuKiriti nevokuArabhia. Tiri kuvanzwa vachitaura mundimi dzedu mabasa makuru aMwari.”
Mabasa 2:5-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino paJerusarema pakaŋga pagere ʋaJuda, ʋarume ʋakarurama, ʋaibva kumarudzi ose pasi peɗeŋga. Ɀino kutinhira uku kwakati kwanzwika, ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuŋgana, ʋakakaŋganiswa, nokuti mumŋe nomumŋe wakaʋanzwa, ʋacitaura norurimi rwake. Ʋakakatyamara ʋose, nokushamiswa, ʋaciti: Tarirai, aʋa ʋose ʋanotaura haʋazi ʋaGarirea here? Ɀino tinogoʋanzwa seiko mumŋe nomumŋe norurimi rweɗu, rwatakaɓerekwa narwo? ƲaPartia, naʋaMedia, naʋaErami, naʋanogara Mesopotamia, neJudea, neKapadokia, nePonto, neAsia, neFrigia, nePamfiria, neEgipita, namatiʋi enyika dzeRibia, dziri pedyo neKurine, naʋaeni ʋabva Roma, naʋaJuda, naʋaproserite, naʋaKrete, naʋaArabia, tinoʋanzwa ʋacitaura nendimi dzeɗu maɓasa makuru aMŋari.
Mabasa 2:5-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)