Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:39-42 - Compare All Versions

Mabasa 2:39-42 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Chipikirwa ndechenyu navana venyu navose vari kure, navose vachazodanwa naShe Mwari wedu.” Akavayambira namamwe mashoko mazhinji; uye akavakumbirisa achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakaora.” Avo vakagamuchira shoko rake vakabhabhatidzwa, uye pazuva iro, vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa pauwandu hwavo. Vakazvipira pakudzidzisa kwavapostori napakuwadzana, pakumedura chingwa uye napakunyengetera.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 BDSC

Mabasa 2:39-42 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti chipikirwa ndechenyu, navana venyu, navose vari kure, vanozodanwa naIshe, Mwari wedu.” Akapupura kwazvo namamwe mashoko mazhinji, akavarayira, achiti, “Muzviponese parudzi urwu rwakakombama.” Zvino avo vakagamuchira shoko rake, vakabhabhatidzwa; nezuva iro vanhu vanenge zviuru zvitatu vakawedzerwa. Vakatsungirira pakudzidzisa kwavapostori, napakuyanana kwavo, napakumedura chingwa, napaminyengetero.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SNA2002

Mabasa 2:39-42 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Nokuti chitsidzo ichocho ndechenyu navana venyu navose vari kure, vose vanodaidzwa naTenzi Mwari wedu kwaari.” Akapupura namamwe mazwi akawanda achivakurudzira achiti, “Zviponesei kuchizvarwa ichi chakakombama.” Saizvozvo avo vakagamuchira shoko rake vakaombekwa vakabva vawanziridzwa musi iwoyo navanhu vanosvika zviuru zvitatu. Vakaramba vangoti kwati kwati nezvaidzidziswa navapositori uye vakaramba vakabatana navo nomukumedura chingwa nomukunamata.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLBD

Mabasa 2:39-42 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti cipikirwa ndecenyu, naʋana ʋenyu, naʋose ʋari kure, ʋanozoɗanwa naShe, Mŋari weɗu. Akapupura kwaɀo namamŋe mashoko mazhinji, akaʋaraira, aciti: Muɀiponese parudzi urwu rwakakombama. Ɀino aʋo ʋakagamucira shoko rake, ʋakabapatidzwa; nezuʋa iro ʋanhu ʋaneŋge ɀuru ɀitatu ʋakawedzerwa. Ʋakatsuŋgirira pakudzidzisa kwaʋaapostora, napakuyanana kwaʋo, napakumeɗura ciŋgwa, napaminyeŋgetero.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SUB1949

Mabasa 2:39-42 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 2 SCLB