Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:25-28 - Compare All Versions

Mabasa 2:25-28 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Dhavhidhi akataura nezvake achiti: “ ‘Ndakaona Ishe mberi kwangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handingatongozungunuswi. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu runofarisisa; uyezve muviri wangu uchararama netariro, nokuti imi hamuzondisiyi muguva, uye hamungaregi Mutsvene wenyu achiona kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; muchandizadza nomufaro pamberi penyu.’

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 BDSC

Mabasa 2:25-28 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Nokuti Dhavhidhi akataura pamusoro pake, achiti, ‘Ndakaona Ishe pamberi pangu misi yose, Nokuti ari kurudyi rwangu, kuti ndirege kuzununguswa. Naizvozvo mwoyo wangu wakafara, norurimi rwangu rwakafarisisa; Uyezve, nenyama yangu ichazorora netariro. Nokuti hamungasiyi mweya wangu muHadhesi; Hamungaisi Mutsvene wenyu kuti aone kuora. Makandizivisa nzira dzoupenyu; Muchandizadzisa nomufaro ndichiona chiso chenyu.’

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SNA2002

Mabasa 2:25-28 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Chikonzero ndechokuti Dhavhidhi achitaura nezvake anoti: “Ndaiona Mwari ari pamberi pangu nguva dzose nokuti ari kurudyi kwangu kuti ndirege kuzunguzwa. Naizvozvo mwoyo wangu unofara uye rurimi rwangu rwakapembera kufara uyezve muviri wangu uchagara uine chitarisiro. Nokuti hamungasii mweya wangu munzvimbo yavafi kana kurega mururami wenyu achiora. Makandizivisa nzira youpenyu muchandizadza norufaro nokuvapo kwenyu.”

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLBD

Mabasa 2:25-28 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Nokuti Davidi wakataura pamsoro pake, aciti: Ndakaʋona Ishe pamberi paŋgu misi yose, Nokuti uri kurudyi rwaŋgu, kuti ndirege kuzunuŋguswa. Naiɀoɀo mŋoyo waŋgu wakafara, norurimi rwaŋgu rwakafarisisa; Ʋuye ɀe, nenyama yaŋgu icazorora netariro. Nokuti hamuŋgasiyi mŋeya waŋgu muHadesi; Hamuŋgaisi Mutȿene wenyu kuti aʋone kuʋora. Makandiziʋisa nzira dzoʋupenyu; Mucandizadzisa nomufaro ndiciʋona ciso cenyu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SUB1949

Mabasa 2:25-28 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 2 SCLB