Mabasa 2:23 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 2:23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Murume uyu akaiswa mumaoko enyu nourongwa uye nokuziva zviri mberi kwaMwari; uye imi, mukamuroverera pamuchinjikwa muchibatsirwa navanhu vakaipa.
Mabasa 2:23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
iye, akaiswa kwamuri nomutemo nokuziva zviri mberi kwaMwari, imi makamurovera pamuchinjikwa, mukamuuraya namaoko avanhu vasingateereri murayiro
Mabasa 2:23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
iye, wakaiswa kwamuri nomutemo nokuziʋa ɀiri mberi kwaMŋari, imi makamuroʋera pamucinjikwa, mukamuʋuraya namaʋoko aʋanhu ʋasiŋgatereri murairo
Mabasa 2:23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo.
Mabasa 2:23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Jesu iyeyo, wamakaturirwa maererano nourongwa hwakanyatsoti tsvikiti uye nokufanoziva kwaMwari, imi makamuroverera pamuchinjikwa mukamuuraya muchishandisa vanhu vasina mutemo.