Mabasa 2:21-22
Mabasa 2:21-22 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Uye ani naani anodana kuzita raShe achaponeswa.’ “Imi vaIsraeri, teererai izvi: Jesu weNazareta akanga ari murume akaratidzwa kwamuri naMwari namabasa esimba, nezvishamiso uye nezviratidzo, zvakaitwa naMwari pakati penyu kubudikidza naye, sezvamunoziva imi pachenyu.
Mabasa 2:21-22 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
“Zvino kuchaitika kuti ani naani anodana zita raIshe achaponeswa. Varume veIsiraeri, donzwai mashoko awa, Jesu weNazareta, murume akaratidzwa naMwari kwamuri namabasa esimba, nezvishamiso, nezviratidzo zvakaitwa naMwari pakati penyu naye, sezvamunoziva imi mumene
Mabasa 2:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Zvichaitika kuti ani naani anodana zita raTenzi achaponeswa.’ “Varume, vaIsiraeri teererai mazwi aya anoti Jesu wokuNazareti, munhu akapupurirwa kwamuri naMwari namabasa makuru nezvishamiso nezviratidzo zvakaitwa pakati penyu naMwari nemaari sokuziva kwenyu
Mabasa 2:21-22 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino kucaitika kuti aninani unoɗana zita raShe ucaponeswa. Ʋarume ʋaIsraeri, ɗonzwai mashoko awa: Jesu weNazareta, murume wakaratidzwa naMŋari kwamuri namaɓasa esimba, neɀishamiso, neɀiratidzo ɀakaitwa naMŋari pakati penyu naye, seɀamunoziʋa imi mumene
Mabasa 2:21-22 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)