Mabasa 2:17-19
Mabasa 2:17-19 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope. Kunyange napamusoro pavaranda vangu, zvose varume navakadzi, ndichadurura Mweya wangu mumazuva iwayo, uye vachaprofita. Ndicharatidza zvishamiso kudenga kumusoro, nezviratidzo panyika pasi, ropa nomoto uye nemhute youtsi.
Mabasa 2:17-19 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achaona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope. Napamusoro pavaranda vangu napamusoro pavashandiri vangu, Ndichadurura Mweya wangu namazuva iwayo; vachaporofita. Ndichaita zvinoshamisa kudenga kumusoro, Nezviratidzo pasi pano; Ropa, nomoto, nemhute yohutsi.
Mabasa 2:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
“ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope. Kunyange pavaranda vangu vechirume navaranda vangu vechikadzi, mumazuva iwayo ndichadururira Mweya wangu ivo vachaporofita. Ndichaita zviratidzo mumatenga'mu nezviratidzo panyika pasi pano, zveropa nemoto nebwititi routsi.
Mabasa 2:17-19 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira, Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita; Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo, Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope. Napamsoro paʋaranda ʋaŋgu napamsoro paʋashandiri ʋaŋgu, Ndicaɗurura ɀomŋeya waŋgu namazuʋa iwayo; ʋacaprofita. Ndicaita ɀinoshamisa kuɗeŋga kumsoro, Neɀiratidzo panyika pasi; Ropa, nomŋoto, nemhute yoʋutsi.
Mabasa 2:17-19 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)