Mabasa 2:15-17
Mabasa 2:15-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vanhu ava havana kudhakwa sezvamunofungidzira zvaichiri nguva yepfumbamwe mangwanani kudai! Kwete, izvi ndizvo zvakataurwa nomuprofita Joere achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira,’ ndizvo zvinotaura Mwari, ‘ndichadurura Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana navanasikana venyu vachaprofita, majaya enyu achaona zviratidzo, vatana venyu vacharota hope.
Mabasa 2:15-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
nokuti ava havana kubatwa, sezvamunofunga imi, zvaichiri nguva yechitanhatu yezuva, asi ichi ndicho chakarchwa nomuporofita Joeri achiti, ‘Mwari anoti, namazuva okupedzisira, Ndichadurura Mweya wangu pamusoro penyama yose; Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita; Majaya enyu achaona zviratidzo, Navatana venyu vacharota hope.
Mabasa 2:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
nokuti vanhu ava havana kudhakwa sezvamuri kufunga nokuti ruchiri rudziyakamwe. Asi izvi ndizvo zvakataurwa nomuporofita Joeri achiti, “ ‘Mumazuva okupedzisira, ndizvo zviri kutaura Mwari, ndichadururira Mweya wangu pamusoro pavanhu vose. Vanakomana venyu navanasikana venyu vachaporofita. Vechidiki venyu vachaona zviratidzo, vakwegura venyu vacharotswa hope.
Mabasa 2:15-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
nokuti aʋa haʋana‐kuɓatwa, seɀamunofuŋga imi, ɀaiciri ŋguʋa yecitanhatu yezuʋa, asi ici ndico cakarebga nomuprofita Joeri, aciti: Mŋari unoti: Namazuʋa okupedzisira, Ndicaɗurura ɀoMŋeya waŋgu pamsoro penyama yose; Ʋanakomana ʋenyu naʋanasikana ʋenyu ʋacaprofita; Majaya enyu acaʋona ɀiratidzo, Naʋatana ʋenyu ʋacarota hope.
Mabasa 2:15-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)