Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 2:14 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 2:14 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Ipapo Petro akamira pamwe chete navane gumi nomumwe, akadanidzira kuvanhu vazhinji achiti, “Hama imi vaJudha nemi mose mugere muJerusarema, regai ndikutsanangurirei chinhu ichi; nyatsoteererai mashoko angu.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 BDSC

Mabasa 2:14 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino Petirosi amire navane gumi nomumwe, akadanidzira, akaparidza kwavari, achiti, “Varume veJudhea, nemi mose mugere Jerusaremu, chinhu ichi ngachizikanwe nemi, muteerere mashoko angu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SNA2002

Mabasa 2:14 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino Petro amire naʋanegumi nomumŋe, akaɗanidzira, akaparidza kwaʋari, aciti: Ʋarume ʋeJudea, nemi mose mugere Jerusarema, cinhu ici ŋgacizikanwe nemi, muterere mashoko aŋgu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SUB1949

Mabasa 2:14 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLB

Mabasa 2:14 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi Pita, amire navane gumi nomumwechete vaya, akadaidzira akataura zviri pachena achiti, “Imi varume veJudhea nemi mose mugere muJerusaremu, izvi ngazvizivikanwe kwamuri mumbopawo nzeve kumashoko angu

Pakurirana nevamwe
Mabasa 2 SCLBD