Mabasa 17:16-18
Mabasa 17:16-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pauro achakavamirira paAtene, akatambudzika zvikuru achiona kuti guta rakanga rizere nezvifananidzo. Saka akataurirana navaJudha navaGiriki vaitya Mwari musinagoge, uyewo napamusika zuva rimwe nerimwe naavo vainge varipo. Boka ravakachenjera ravaEpikuro navaStoiki rakaita nharo naye. Vamwe vavo vakabvunza vakati, “Ko, uyu mutauri wezvisina maturo ari kuedza kuti kudii?” Vamwe vakati, “Anenge ari kudzidzisa nezvavamwari vokumwe.” Vakareva izvi nokuti Pauro akanga achiparidza mashoko akanaka ezvaJesu uye nezvokumuka kwavakafa.
Mabasa 17:16-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino Pauro, achakavagarira paAteni, akanzwa shungu pamwoyo, achiona kuti guta rizere nezvifananidzo. Naizvozvo akataurirana musinagoge navaJudha, navainamata Mwari, napadare zuva rimwe nerimwe, navaakasangana navo. Zvino vamwe vakachenjera vavaEpikure navaSitoiki, vakaita nharo naye; vamwe vakati, “Ko uyu mutauri wezvisina maturo anoda kureveiko?” Vamwezve vakati, “Anenge muparidzi wavamwari vasingazikanwi; nokuti wakavaparidzira Jesu nokumuka kwavakafa.”
Mabasa 17:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pauro paaivamirira kuAteni, akadzongodzwa mwoyo paakaona guta iroro rizere nezvifananidzo zvokunamata. Naizvozvo aikurukurirana musinagogu navaJudha navaitya Mwari. Mazuva ose, panzvimbo inoungana vanhu veguta iroro, aikurukura navainge vangouyawo ipapo. Vamwe vebato renyanzvi dzokufunga vechiEpikurieni nevechiSitoiki vakasangana naye. Vamwe vakati, “Ko iye mubvotomoki uyu arikuda kuti kudiiko?” Vamwewo vakati, “Anenge muparidzi wezvavamwari vasingaziikanwi,” nokuti aiparidza Jesu nokumuka muvakafa.
Mabasa 17:16-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino Pauro, acakaʋagarira paAtene, akanzwa shuŋgu pamŋoyo, aciʋona kuti guta rizere neɀifananidzo. Naiɀoɀo akataurirana musinagoge naʋaJuda, naʋainamata Mŋari, napaɗare zuʋa rimŋe nerimŋe, naʋaakasoŋgana naʋo. Ɀino ʋamŋe ʋakacenjera ʋaʋaEpikuro naʋaStoiko, ʋakaita nharo naye; ʋamŋe ʋakati: Ko uyu mutauri weɀisinamaturo unoɗa kureʋeiko? Ʋamŋe ɀe ʋakati: Uneŋge muparidzi waʋamŋari ʋasiŋgazikanwi; nokuti wakaʋaparidzira Jesu nokumuka kwaʋakafa.
Mabasa 17:16-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)