Mabasa 17:1-15
Mabasa 17:1-15 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Vakati vapfuura nomuAmufipori neAporonia, vakasvika muTesaronika umo makanga mune sinagoge ravaJudha. Setsika yake Pauro akapinda musinagoge, akataurirana navo zvaibva muMagwaro, kwamaSabata matatu, achitsanangura nokuvaratidza kuti Kristu aifanira kutambudzika uye agomuka kubva kuvakafa. Akati, “Jesu uyu wandinokuparidzirai ndiye Kristu.” Vamwe vaJudha vakatenda ndokubva vabatana naPauro naSirasi, sezvakaitwawo navazhinji zhinji vavaGiriki vaitya Mwari uye navakadzi vazhinji vaikudzwa. Asi vaJudha vakaita godo; saka vakakokorodza vanhu vakanga vakaipa kubva pamusika, vakaunganidza mhomho yavanhu kuti vandotanga bope muguta. Vakamhanyira kumba kwaJasoni kundotsvaka Pauro naSirasi vachida kuti vavabudise vavaendese kuvanhu vazhinji. Asi vakati vavashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vachidanidzira vachiti, “Vanhu vaya vakauyisa kusagadzikana panyika yose vasvikawo kuno zvino, uye Jasoni akavagamuchira mumba make. Vose vari kumhura zvirevo zvaKesari, vachiti pano mumwe mambo, anonzi Jesu.” Vakati vanzwa izvozvo, ungano uye navabati veguta vakashushikana. Ipapo vakaita kuti Jasoni navamwe varipe rubatso ndokubva vavaregedza. Kuchangosviba, hama dzakaendesa Pauro naSirasi kuBheria. Vakati vasvika ikoko, vakapinda musinagoge ravaJudha. Zvino vaBheria vakanga vane tsika dzakanaka kupfuura vaTesaronika, nokuti vakagamuchira shoko nemwoyo inodisisa uye vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe kuti vaone kana zvairehwa naPauro zvaiva izvo. VaJudha vazhinji vakatenda, sezvakaitwawo navakadzi vaikudzwa vechiGiriki navarume vazhinji vechiGiriki. VaJudha vokuTesaronika vakati vanzwa kuti Pauro akanga achiparidza shoko raMwari paBheria, vakaendazve ikoko, vakakurudzira uye vakakuchidzira bope pakati pavanhu vazhinji. Ipapo hama dzakaendesa Pauro kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasara paBheria. Varume vakaperekedza Pauro, vakasvika naye paAtene vachibva vadzokera vaine shoko rokuti Sirasi naTimoti vamutevere nokukurumidza.
Mabasa 17:1-15 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino vakati vagura neAmifipori neAporonia, vakasvika paTesaronika paiva nesinagoge ravaJudha. Zvino Pauro, sezvaaisiita, akapinda kwavari; akataurirana navo zvaMagwaro maSabata matatu, achivazarurira nokuvazivisa, kuti, “Kristu aifanira kutambudzika nokumuka kuvakafa, uye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu.” Vamwe vavo vakatendera, vakatevera Pauro naSirasi, navazhinji vavaGiriki, vainamata Mwari, navakadzi vaikudzwa vazhinji. Asi vaJudha vaiva negodo, vakatora vamwe varume vakaipa, dzaiva simbe, vakaunganidza vanhu vazhinji, vakakanganisa guta; vakawira imba yaJasoni, vachida kuvabudisira kuvanhu. Vakati vachivashayiwa, vakakakatira Jasoni nedzimwe hama pamberi pavabati veguta, vakadana, vachiti, “Ava vakakanganisa nyika yose, vakasvika napanowo, Jasoni akavagamuchira; mumba make ava vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaKesari, vachiti, mumwe mambo uripiko, anonzi Jesu.” Vakapesanisa vanhu navabati veguta, vachinzwa izvozvo. Zvino, vakati vatora rubatso kuna Jasoni navamwe, vakavarega. Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Bheriya usiku. Ivo vakati vachisvikapo, vakapinda musinagoge ravaJudha. Ava vakanga vakanaka kukunda veTesaronika, vakagamuchira shoko nomwoyo wose, vachinzvera Magwaro zuva rimwe nerimwe, kana zvinhu izvozvo zviri izvo. Naizvozvo vazhinji vavo vakatenda, navakadzi vaikudzwa vavaGiriki, navarume vazhinji. Asi vaJudha veTesaronika, vakati vachinzwa kuti shoko raMwari roparidzwa naPauro paBheriya, vakasvikawo ipapo, vakamutsa nokupesanisa vazhinji. Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kusvikira kugungwa, asi Sirasi naTimoti vakasarapo. Zvino avo vakaperekedza Pauro, vakamusvitsa Ateni; vakati varayirwa kuudza Sirasi naTimoti, kuti vakurumidze kuuya kwaari, vakabva.
Mabasa 17:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Vakati vapfuura nomuAmupfiporisi nokuAporonia vakasvika kuTesaronika kwaiva neSinagogu yavaJudha. Pauro akapindamo, setsika yake, akaitirana nharo navo kwamasvondo matatu achishandisa Magwaro Matsvene achitsanangura nokuratidza kuti zvaifanirwa kuti Kristu atambudzike uye kuti amuke muvakafa uye achiti Jesu wandinoparidza kwamuri ndiye Mesia iyeyu. Vamwe vavo vakazvibvuma vakabatana naPauro naSirasi sezvakangoitawo vazhinji vechiGiriki vaitya Mwari navadzimai vapamusoro vakawanda. Asi vaJudha vakaita shanje. Vakatora vanhu vakaipa mukati memaswerokuenda avanhu. Vakakokorodza mhomho vakanyandutsa guta iroro. Vakandorwisa mhuri yokwaJasoni vachida kuburitsa Pauro naSirasi kuvanhu. Pavakavashaya vakakwekweredza Jasoni navamwe vehama kuvakuru vakuru veguta vachidaidzira vachiti, “Varume ava vapidigura pasi pose, vauya kunowo. Jasoni avagamuchira uye vose vanoita zvinopesana nezvirevo zvaSiza vachiti kuno mumwe mambo anonzi Jesu.” Vanhu navakuruvakuru veguta zvakavatambudza. Pavakanga vatora mari yorubatso kubva kuna Jasoni nokuna vamwe, vakavaregera kuti vaende zvavo. Pakarepo vehama vakaendesa Pauro naSirasi nousiku kuBherea. Pavakasvikako vakaenda kuSinagogu yavaJudha. VaJudha voko vakanga vachinzwisisa kupinda vaya vokuTesaronika nokuti vakagamuchira shoko nomwoyo unoda kwazvo vachiongorora mazuva ose Magwaro Matsvene kuti zvinhu izvi ndizvo here. Vazhinji vavo vakatenda pamwechete navadzimai vechiGiriki vapamusoro vakawanda pamwechetewo navarume. VaJudha vokuTesaronika pavakanzwa kuti Shoko raMwari riri kuparidzwa kuBherea naPauro, vakaendawo ikoko kundomutsa manyongori nokunyandutsa vanhu. Pakarepo vehama vakabva vapinza Pauro munzira yokuenda kugungwa asi Sirasi naTimoti vakasarako. Vaya vakaperekedza Pauro vakamusvitsa kuAtene. Pavakaudzwa kuti Sairasi naTimoti vanofanira kuti vauye kwaari nokukurumidza, vakabva vaenda.
Mabasa 17:1-15 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino ʋakati ʋagura neAmfipori neAporonia, ʋakaȿika paTesaronika paiʋa nesinagoge raʋaJuda. Ɀino Pauro, seɀaaisiita, akapinda kwaʋari; akataurirana naʋo ɀapaMagwaro masaɓata matatu, aciʋazarurira nokuʋaziʋisa, kuti Kristu waifanira kutambudzika nokumuka kuʋakafa, ʋuye kuti Jesu uyu, wandinokuparidzirai, ndiye Kristu. Ʋamŋe ʋaʋo ʋakatendiswa, ʋakateʋera Pauro naSirasi, naʋazhinji ʋaʋaGiriki, ʋainamata Mŋari, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋazhinji. Asi ʋaJuda ʋaiʋa negoɗo, ʋakatora ʋamŋe ʋarume ʋakaipa, dzaiʋa simbe, ʋakaʋuŋganidza ʋanhu ʋazhinji, ʋakakaŋganisa guta; ʋakawira imba yaJasoni, ʋaciɗa kuʋaɓuɗisira kuʋanhu. Ʋakati ʋaciʋashaiwa, ʋakakakatira Jasoni nedzimŋe hama pamberi paʋaɓati ʋeguta, ʋakaɗana, ʋaciti: Aʋa ʋakakaŋganisa nyika yose, ʋakaȿika napano ʋo, Jasoni akaʋagamucira; aʋa ʋose ʋanoita ɀinopesana neɀireʋo ɀaKesari, ʋaciti, mumŋe mambo uri’ko, unonzi Jesu. Ʋakapesanisa ʋanhu naʋaɓati ʋeguta, ʋacinzwa iɀoɀo. Ɀino, ʋakati ʋatora ruɓatso kunaJasoni naʋamŋe, ʋakaʋarega. Pakarepo hama dzikatuma Pauro naSirasi Berea ʋusiku. Iʋo ʋakati ʋaciȿika’po, ʋakapinda musinagoge raʋaJuda. Aʋa ʋakaŋga ʋakanaka kukunda ʋeTesaronika, ʋakagamucira shoko nomŋoyo wose, ʋacinɀera Magwaro zuʋa rimŋe nerimŋe, kana ɀinhu iɀoɀo ɀiri iɀo. Naiɀoɀo ʋazhinji ʋaʋo ʋakatenda, naʋakadzi ʋaikudzwa ʋaʋaGiriki, naʋarume ʋazhinji. Asi ʋaJuda ʋeTesaronika, ʋakati ʋacinzwa kuti shoko raMŋari roparidzwa naPauro paBerea, ʋakaȿika ʋo ipapo, ʋakamutsa nokupesanisa ʋazhinji. Ipapo hama dzakatuma Pauro pakarepo kuȿikira kuguŋgwa, asi Sirasi naTimotio ʋakasara’po. Ɀino aʋo ʋakaperekedza Pauro, ʋakamuȿitsa Atene; ʋakati ʋarairwa kuʋudza Sirasi naTimotio, kuti ʋakurumidze kuʋuya kwaari, ʋakabva.
Mabasa 17:1-15 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)