Svetukira kuzviri mukati

Mabasa 16:37 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 16:37 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi Pauro akati kumubati, “Vakatirova pachena tisina kutongwa, kunyange zvedu tiri vaRoma, uye vakatiisa mutorongo. Uye zvino vava kuda kutiregedza chinyararire here? Kwete! Ngavauye ivo vagotibudisa.”

Mabasa 16 BDSC

Mabasa 16:37 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pachena, isu vanhu vaRoma tisina kutongwa, vakatiisa mutorongo; zvino voda kutibudisa chinyararire here? Haiwa kwete! Ngavauye vamene vatibudise.”

Mabasa 16 SNA2002

Mabasa 16:37 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi Pauro wakati kwaʋari: Ʋakatiroʋa pacena, isu ʋanhu ʋaRoma tisina‐kutoŋgwa, ʋakatiisa mutoroŋgo; ɀino ʋoɗokutiɓuɗisa cinyararire here? Haiwa, kwete! Ŋgaʋaʋuye ʋamene ʋatiɓuɗise.

Mabasa 16 SUB1949

Mabasa 16:37 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa.

Mabasa 16 SCLB

Mabasa 16:37 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi Pauro akati kwavari, “Vakatirova pazere vanhu, tisina kubatwa nemhosva, isu pamutemo, tiri vaRoma vakatiisa mujeri. Zvino vanoda kutiburitsa muchivande here?” Kwete, ngavatouya ivo pachavo vazotiburitsa.

Mabasa 16 SCLBD