Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 16:15 - Compare All Versions

Mabasa 16:15 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Akati abhabhatidzwa iye neveimba yake, vakatikoka kumba kwake akati, “Kana muchiona kuti ndiri mutendi muna She, uyaiwo mugare kumba kwangu.” Akatikumbirisa tikatenda.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 BDSC

Mabasa 16:15 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Akati abhabhatidzwa, iye naveimba yake, akakumbira zvikuru, achiti, “Kana muchiti ndakatenda kuna Ishe, pindai mumba mangu mugare.” Akatitendisa.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SNA2002

Mabasa 16:15 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SCLBD

Mabasa 16:15 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Wakati abapatidzwa, iye naʋeimba yake, akakumbira ɀikuru, aciti: Kana muciti ndakatenda kunaShe, pindai mumba maŋgu mugare. Akatitendisa.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SUB1949

Mabasa 16:15 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Paakaombekwa pamwechete nemhuri yake, akatiteterera achiti, “Kana maona kuti ndakatendeka kuna Tenzi uyai kumba kwangu muzogara.” Takasvika pokutobvuma.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 16 SCLB