Mabasa 15:22 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 15:22 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo vapostori navakuru, nekereke yose, vakafunga kusarudza vamwe varume pakati pavo kuti vagovatuma kuAndioki pamwe chete naPauro naBhanabhasi. Vakasarudza Judhasi (ainzi Bhanabhasi) naSirasi, varume vaviri ava vakanga vari vatungamiri pakati pehama.
Mabasa 15:22 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo vapostori, navakuru, nekereke yose, vakati zvakanaka kuti vatsanangure varume pakati pavo, vavatumire Andioki pamwechete naPauro naBhanabhasi, vaiti: Judhasi ainzi Bhasabhasi, naSirasi, vakuru pakati pehama.
Mabasa 15:22 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo ʋaapostora, naʋakuru, nekereke yose, ʋakati ɀakanaka kuti ʋasanaŋgure ʋarume pakati paʋo, ʋaʋatumire Antiokia pamŋe cete naPauro naBarnabasi, ʋaiti: Judasi, wainzi Barsabasi, naSirasi, ʋakuru pakati pehama.
Mabasa 15:22 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi
Mabasa 15:22 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Zvakaonekwa chiri chinhu chakanaka kuvapositori navakuru vakuru nesangano rose kusarudza varume pakati pavo vokutuma kuAndiyoku naPauro naBhanabhasi. Vakatuma Judhasi anonzi Bharisabhasi naSirasi