Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 14:20-23 - Compare All Versions

Mabasa 14:20-23 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Asi shure kwokunge vadzidzi vaungana vakamukomba, akamuka akadzokera muguta zvakare. Zuva rakatevera akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Vakaparidza mashoko akanaka muguta iroro vakawana vadzidzi vazhinji kwazvo. Ipapo vakadzokera kuRistira, Ikoniamu nokuAndioki, vachisimbisa vadzidzi nokuvakurudzira kuti varambe vari pakutenda. Vakati, “Tinofanira kutambudzika kuti tipinde muumambo hwaMwari.” Pauro naBhanabhasi vakagadza vatungamiri mukereke imwe neimwe uye nokunyengetera nokutsanya, vakavakumikidza kuna She, uyo wavaivimba naye.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 14 BDSC

Mabasa 14:20-23 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Asi vadzidzi vakati vamukomba iye akasimuka, akapinda muguta. Fume mangwana akaenda Dhebhe naBhanabhasi. Vakati vaparidza Vhangeri paguta iro, vakaita vadzidzi vazhinji, ndokudzokera Risitira, neIkonio, neAndioki, vachisimbisa mweya yavadzidzi, vachivarayira kuti vatsungirire pakutenda, vachiti, “Tinofanira kupinda ushe hwaMwari namadambudziko mazhinji.” Vakavasanangurira vakuru pakereke imwe neimwe, vakanyengetera, vachizvinyima zvokudya, vakavaisa kuna Ishe, wavaitenda.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 14 SNA2002

Mabasa 14:20-23 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Vadzidzi pavakaungana paari, akasimuka akapinda muguta. Mangwana acho akaenda naBhanabhasi kuDhebhe. Pavakanga vaparidza Dama Rakanaka muguta iroro vakava navadzidzi vazhinji vakadzokera kuRisitira nokuIkoniumu nokuAndiyoku vachisimbisa vadzidzi vachivakurudzira kuenderera mberi nechitendero. Vaiti, kuti tipinde muumambo hwaMwari tinofanira kutopindamo nomumatambudziko akawanda. Pavakavasarudzira vakuru vakuru musangano rimwe nerimwe vachinamata nokutsanya, vakavakumikidza kuna Tenzi wavakanga vakatenda maari.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 14 SCLBD

Mabasa 14:20-23 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Asi ʋadzidzi ʋakati ʋamukomba, iye akasimuka, akapinda muguta. Fume maŋgwana akaenda Derbe naBarnabasi. Ʋakati ʋaparidza Evaŋgeri paguta iro, ʋakaita ʋadzidzi ʋazhinji, ndokudzokera Ristra, neIkonio, neAntiokia, ʋacisimbisa mŋeya yaʋadzidzi, ʋaciʋaraira kuti ʋatsuŋgirire pakutenda, ʋaciti, tinofanira kupinda ʋushe bgaMŋari namaɗambudziko mazhinji. Ʋakaʋasanaŋgurira ʋakuru pakereke imŋe neimŋe, ʋakanyeŋgetera, ʋaciɀinyima ɀokudya, ʋakaʋaisa kunaShe, waʋaitenda.

Pakurirana nevamwe
Mabasa 14 SUB1949

Mabasa 14:20-23 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mabasa 14 SCLB