Mabasa 14:16-17
Mabasa 14:16-17 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Panguva dzakapfuura, akarega hake ndudzi dzose dzichifamba nenzira dzadzo. Asi haana kusiya pasina zvingamupupurira: Akakuitirai tsitsi nokukupai mvura inobva kudenga nezvirimwa nenguva yazvo; akakupai zvokudya zvakawanda uye akazadza mwoyo yenyu nomufaro.”
Mabasa 14:16-17 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Iye, panguva dzakapfuura akatendera vahedheni vose kufamba nenzira dzavo. Asi haana kurega kuzvipupurira, achiita zvakanaka, achikupai mvura yokudenga, nenguva yezviyo zvizhinji, achizadza mwoyo yenyu nezvokudya nomufaro.”
Mabasa 14:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Muzvizvarwa zvakapfuura Mwari akabvumira marudzi ose kutevera maitiro avo. Zvakadaro zvazvo haana kukusiyai musina zvinoratidza zvokuvapo kwake munezvinhu zvakanaka zvaanokuitirai. Anokutumirai mvura inobva kudenga, nemwaka yamaguta achikugutsai mwoyo nezvokudya nokufara.”
Mabasa 14:16-17 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Iye, paŋguʋa dzakapfuʋura wakatendera ʋahedeni ʋose kufamba nenzira dzaʋo. Asi haana‐kurega kuɀipupurira, aciita ɀakanaka, acikupai mvura yokuɗeŋga, neŋguʋa dzeɀiyo ɀizhinji, acizadza mŋoyo yenyu neɀokudya nomufaro.
Mabasa 14:16-17 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)