Mabasa 13:46 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 13:46 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakavapindura vasingatyi vakati, “Zvanga zvakafanira kuti titaure shoko raMwari kwamuri imi kutanga. Sezvo mariramba uye mukasazviona savanhu vakafanira upenyu husingaperi, tava kuenda zvino kune veDzimwe Ndudzi.
Mabasa 13:46 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Ipapo Pauro naBhanabhasi vakataura vasingatyi vakati, “Zvakanga zvakafanira kuti shoko raMwari ritange kutaurirwa imi, asi zvamariramba, muchiti, hamufanirwi noupenyu husingaperi, tarirai, zvino toenda kuvahedheni.
Mabasa 13:46 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ipapo Pauro naBarnabasi ʋakataura ʋasiŋgatyi, ʋakati: Ɀakaŋga ɀakafanira kuti shoko raMŋari ritaŋge kutaurirwa imi, asi ɀamariramba, muciti, hamufanirwi noʋupenyu bgusiŋgaperi, tarirai, ɀino toenda kuʋahedeni.
Mabasa 13:46 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi.
Mabasa 13:46 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pauro naBhanabhasi vakataura nokushinga vachiti, “Shoko raMwari raifanira kutanga rataurirwa kwamuri. Zvino zvamariramba mukaona kuti hamukodzeri upenyu usingaperi, chinzwai, isu tava kuenda kune vechirudzi.