Mabasa 13:29-31 - Compare All Versions
Mabasa 13:29-31 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vapedza zvose zvakanga zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa, uye akaonekwa mazuva mazhinji naavo vakafamba naye kubva kuGarirea kusvikira kuJerusarema. Ndivo zvapupu zvake zvino kuvanhu vokwedu.
Mabasa 13:29-31 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zvino vakati vapedza zvose zvakanyorwa pamusoro pake, vakamuturura pamuti, vakamuviga mubwiro. Asi Mwari wakamumutsa kuvakafa; akaonekwa mazuva mazhinji navakanga vakwira naye Jerusaremu, vachibva Gariria, avo vari zvapupu zvake zvino kuvanhu.
Mabasa 13:29-31 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ʋakati ʋapedza ɀose ɀakanyorwa pamsoro pake, ʋakamuturura pamuti, ʋakamuʋiga mubgiro. Asi Mŋari wakamumutsa kuʋakafa; akaʋonekwa mazuʋa mazhinji naʋakaŋga ʋakwira naye Jerusarema, ʋacibva Garirea, aʋo ʋari ɀapupu ɀake ɀino kuʋanhu.
Mabasa 13:29-31 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanga vapedza kuita zvose zvakanga zvakanyorwa nezvake, vakamuburutsa pamuti vakamuradzika muguva. Asi Mwari akamumutsa kuvafi. Kwamazuva mazhinji akazviratidza kuna vakakwira naye kubva Garirea vachienda kuJerusaremu zvino vava zvapupu zvake kuvanhu.
Mabasa 13:29-31 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)