Svetukira kuzviri mukati

Mabasa 12:17 - Enzanisa Shanduro Dzose

Mabasa 12:17 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Petro akaninira maoko ake kwavari kuti vanyarare ndokurondedzera kuti Ishe akanga amubudisa sei mutorongo. Akati, “Muudze Jakobho nehama pamusoro paizvozvi.” Ipapo akabva akaenda kune imwe nzvimbo.

Mabasa 12 BDSC

Mabasa 12:17 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Zvino iye akavaninira noruoko kuti vanyarare, akavarondedzera mutoo waakabudiswa nawo naIshe patorongo. Akati, “Udzai Jakobho nehama zvinhu izvozvi; ndokubva akaenda kumwe.”

Mabasa 12 SNA2002

Mabasa 12:17 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Ɀino iye akaʋaninira noruʋoko kuti ʋanyarare, akaʋarondedzera mutoʋo waakaɓuɗiswa nawo naShe patoroŋgo. Akati: Ʋudzai Jakobo nehama ɀinhu iɀoɀi; ndokubva akaenda kumŋe.

Mabasa 12 SUB1949

Mabasa 12:17 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.

Mabasa 12 SCLB

Mabasa 12:17 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Asi Pita akavaninira kuti vanyarare. Akavarondedzera kuti Tenzi akamuburitsa sei mujeri. Akatiwo, “Taurirai Jemusi nevehama.” Ndokubva abva akaenda kune imwe nzvimbo.

Mabasa 12 SCLBD