Mabasa 12:1-4
Mabasa 12:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika.
Mabasa 12:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhi akatambanudza maoko ake kuti atambudze vamwe vekereke; akauraya Jakobho, mukuru waJohani, nomunondo. Zvino akati achiona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuura akabatawo Petirosi. Aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso. Zvino akati amubata, akamusunga akamuisa mutorongo, kumapoka mana, rimwe nerimwe rina varwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana Pasika yapfuura.
Mabasa 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano. Akauraya Jemusi mukoma waJohani nebakatwa. Paakaona kuti zvakafadza vaJudha akaenderera mberi nokusungawo Pita. Aya akanga ari mazuva echingwa chisina mbiriso. Paakamubata akamuisa mujeri akamuisa mumaoko ezvikwata zvina zvamasoja kuti zvimuchengetedze achida kuzomuisa kuvanhu mushure mePasika.
Mabasa 12:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino neŋguʋa ineŋge iyeyo mambo Herode akatambanudza maʋoko ake kuti atambudze ʋamŋe ʋekereke; akaʋuraya Jakobo, mukuru waJohane, nomunondo. Ɀino wakati aciʋona kuti ɀafadza ʋaJuda, ndokupfuʋura akaɓata Petro ʋo. Aiʋa mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ɀino wakati amuɓata, akamusuŋga mutoroŋgo, akamuisa kumapoka manna, rimŋe nerimŋe rinaʋarwi ʋanna, kuti ʋamurinde, aciti amuise pamberi paʋanhu, kana paseka yapfuʋura.
Mabasa 12:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)