Mabasa 12:1-11
Mabasa 12:1-11 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Yakanga iri nguva inenge imwe cheteyo Mambo Herodhi paakasunga vamwe vaiva nhengo dzekereke, achida kuvatambudza. Akanga aita kuti Jakobho mukoma waJohani aurayiwe nomunondo. Paakaona kuti izvozvo zvakafadza vaJudha, akapfuurira mberi akandosungawo Petro. Izvi zvakaitika panguva yoMutambo weZvingwa Zvisina Mbiriso. Mushure mokumusunga, akamuisa mutorongo, akaita kuti arindwe namapoka mana avarwi, boka rimwe nerimwe riina varwi vana. Herodhi akanga achida kumumisa padare rokutongwa shure kwePasika. Saka Petro akachengetwa mutorongo, asi kereke yakanga ichimunyengeterera zvikuru kuna Mwari. Usiku hwaaifanira kumiswa pamberi pedare naHerodhi husati hwasvika, Petro akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa nengetani mbiri, uye varindi vakanga vakamira vakarinda vari pamukova. Pakarepo mutumwa waShe akaonekwa uye chiedza chakavhenekera muchitokisi. Akarova Petro parutivi ndokumumutsa achiti, “Kurumidza muka!” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko aPetro. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka nguo dzako neshangu dzako.” Uye Petro akaita saizvozvo. Mutumwa akati kwaari, “Monera jasi rako ubve wanditevera.” Petro akamutevera achibuda mutorongo, asi akanga asingazivi kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zvichitoitika; akafunga kuti aiona chiratidzo. Vakapfuura napavarindi vokutanga nevechipiri ndokusvika pasuo resimbi rakanga rakatarira kuguta. Rakangovazarukira roga, vakapinda nepariri. Vakati vafamba kusvika kumagumo kweimwe nzira, pakarepo mutumwa akamusiya. Ipapo Petro akapengenuka akati, “Zvino ndava kuziva ndisingatongokahadziki kuti Ishe atuma mutumwa wake uye andinunura pamaoko aHerodhi napazvinhu zvose zvanga zvakatarisirwa navanhu vechiJudha.”
Mabasa 12:1-11 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino nenguva inenge iyeyo mambo Herodhi akatambanudza maoko ake kuti atambudze vamwe vekereke; akauraya Jakobho, mukuru waJohani, nomunondo. Zvino akati achiona kuti zvafadza vaJudha, ndokupfuura akabatawo Petirosi. Aiva mazuva ezvingwa zvisina mbiriso. Zvino akati amubata, akamusunga akamuisa mutorongo, kumapoka mana, rimwe nerimwe rina varwi vana, kuti vamurinde, achiti amuise pamberi pavanhu, kana Pasika yapfuura. Naizvozvo Petirosi akachengetwa mutorongo; asi akanga achinyengetererwa zvikuru nekereke kuna Mwari. Zvino Herodhi akati oda kumubudisa, usiku ihwohwo Petirosi akanga avete pakati pavarwi vaviri, akasungwa namangetani maviri; navarindi vakanga vachirinda torongo pamberi pomusuo. Ipapo tarira, mutumwa waIshe akamirapo, chiedza chikapenya mumba; akarova Petirosi parutivi, ndokumumutsa, achiti, “Muka, ukurumidze.” Ipapo ngetani dzakawa pamaoko ake. Mutumwa akati kwaari, “Zvisunge chiuno, usungire shangu dzako.” Akaita saizvozvo. Akati kwaari, “Fuka nguo yako, unditevere.” Akabuda, akamutevera, asingazivi kuti zvirokwazvo zvinoitwa nomutumwa; asi akati ndinoona chiratidzo. Zvino vakati vapfuura murindi wokutanga nowechipiri, vakasvika pasuo ramatare, pavaipinda napo paguta; rikangovazarukira roga; vakabuda, vakapfuura neimwe nzira, mutumwa ndokubva kwaari pakarepo. Petirosi akati apengenuka, akati, “Zvino ndinoziva zvirokwazvo kuti Ishe akatuma mutumwa wake, akandirwira paruoko rwaHerodhi napazvose zvakanga zvichifungwa navanhu vavaJudha.”
Mabasa 12:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pamazuva anenge iwayo mambo Herodhi akatambudza vamwe vaiva vesangano. Akauraya Jemusi mukoma waJohani nebakatwa. Paakaona kuti zvakafadza vaJudha akaenderera mberi nokusungawo Pita. Aya akanga ari mazuva echingwa chisina mbiriso. Paakamubata akamuisa mujeri akamuisa mumaoko ezvikwata zvina zvamasoja kuti zvimuchengetedze achida kuzomuisa kuvanhu mushure mePasika. Ipapo Pita akachengetedzwa ari mujeri. Asi sangano rakamunamatira zvikuru kuna Mwari. Usiku ihwohwo hwokuti mangwana acho Herodhi paaizoda kumuburitsa, Pita akanga avete pakati pamasoja maviri akasungwa nengetani mbiri uye varindi vapajeri vakanga vachichengetedza jeri vari pamberi pemusuo. Hoyo mutumwa waTenzi akaerekana avemo mukapenya chiedza muchitokisi chaakanga ari. Akazunguza Pita pabendekete akamumutsa achiti, “Kurumidza kusimuka.” Ngetani dzaiva mumaoko ake dzakabva dzadonhera pasi. Mutumwa akati kwaari, “Pfeka shangu dzako,” iye akaita saizvozvo. Akatizve, “Zvimonerere jasi rako unditevere” akabuda kunze achimutevera. Haana kuziva kuti zvaiitwa nomutumwa zvakanga zviri zvechokwadi. Aifunga kuti ari kuona chiratidzo. Pavakapfuura varindi vokutanga nevechipiri vakasvika kusuo guru resimbi rokupinda naro muguta. Rakangovazarukira roga. Ivo ndokubuda ndokutevedza mumwe mugwagwa, mutumwa akayerekana asisipo. Pita akapengenuka akati zvino ndava nechokwadi kuti Tenzi atuma mutumwa wake akandinunura mumaoko maHerodhi uye kune zvose zvaitarisirwa navaJudha.
Mabasa 12:1-11 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino neŋguʋa ineŋge iyeyo mambo Herode akatambanudza maʋoko ake kuti atambudze ʋamŋe ʋekereke; akaʋuraya Jakobo, mukuru waJohane, nomunondo. Ɀino wakati aciʋona kuti ɀafadza ʋaJuda, ndokupfuʋura akaɓata Petro ʋo. Aiʋa mazuʋa eɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ɀino wakati amuɓata, akamusuŋga mutoroŋgo, akamuisa kumapoka manna, rimŋe nerimŋe rinaʋarwi ʋanna, kuti ʋamurinde, aciti amuise pamberi paʋanhu, kana paseka yapfuʋura. Naiɀoɀo Petro akaceŋgetwa mutoroŋgo; asi wakaŋga acinyeŋgetererwa ɀikuru nekereke kunaMŋari. Ɀino Herode wakati oɗa kumuɓuɗisa, ʋusiku ibgobgo Petro wakaŋga aʋete pakati paʋarwi ʋaʋiri, akasuŋgwa namaketani maʋiri; naʋarindi ʋakaŋga ʋacirinda toroŋgo pamberi pomukoʋa. Ipapo, tarira, mutumŋa waShe akamira’po, ciedza cikapenya mumba; akaroʋa Petro parutiʋi, ndokumumutsa, aciti: Muka, ukurumidze. Ipapo maketani akawa pamaʋoko ake. Mutumŋa akati kwaari: Ɀisuŋge ciʋuno, usuŋgire shaŋgu dzako. Akaita saiɀoɀo. Akati kwaari: Fuka ŋguʋo yako, unditeʋere. Akaɓuɗa, akamuteʋera, asiŋgaziʋi kuti ɀirokwaɀo ɀinoitwa nomutumŋa; asi wakati ndinoʋona ciratidzo. Ɀino ʋakati ʋapfuʋura murindi wokutaŋga nowecipiri, ʋakaȿika pasuʋo ramatare, paʋaipinda napo paguta; rikaŋgoʋazarukira roga; ʋakaɓuɗa, ʋakapfuʋura neimŋe nzira, mutumŋa ndokubva kwaari pakarepo. Petro wakati apeŋgenuka, akati: Ɀino ndinoziʋa ɀirokwaɀo kuti Ishe wakatuma mutumŋa wake, akandirwira paruʋoko rwaHerode napaɀose ɀakaŋga ɀicifuŋgwa naʋanhu ʋaʋaJuda.
Mabasa 12:1-11 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)