Mabasa 11:18 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 11:18 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”
Mabasa 11:18 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”
Mabasa 11:18 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu.
Mabasa 11:18 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”
Mabasa 11:18 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”