Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mabasa 11:1-18

Mabasa 11:1-18 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)

Vapostori nehama dzomuJudhea yose vakanzwa kuti vedzimwe ndudzi vakanga vagamuchirawo shoko raMwari. Saka Petro akati aenda kuJerusarema, vatendi vokudzingiswa vakamutsoropodza vachiti, “Iwe wakapinda mumba yavanhu vasina kudzingiswa ukandodya navo.” Petro akatanga kurondedzera zvinhu zvose kwavari zvichitevedzana sokuitika kwazvakanga zvaita achiti, “Ndakanga ndiri muguta reJopa ndichinyengetera, ndikabatwa nomweya ndikaona chiratidzo. Ndakaona chimwe chinhu chakanga chakaita sejira guru, chichiburutswa kubva kudenga namakona acho mana, uye chakaburuka chikasvika pandaiva. Ndakatarira mukati macho ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana, zvikara zvesango, nezvinokambaira uye neshiri dzedenga. “Ipapo ndakanzwa inzwi richiti kwandiri, ‘Simuka, Petro. Baya udye.’ “Ndakapindura ndikati, ‘Zvirokwazvo kwete, Ishe! Hakuna chinhu chisina kunaka kana chine tsvina chakatombopinda mumuromo mangu.’ “Inzwi rakataurazve kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Usati chinhu chipi zvacho chakanatswa naMwari hachina kunaka.’ Izvi zvakaitika katatu, uye ipapo jira nezvose zvikadzoserwazve kudenga. “Pakarepo varume vatatu vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuKesaria vakamira pamba pandaigara. Mweya Mutsvene akandiudza kuti ndirege kunonoka kuenda navo. Hama nhanhatu idzi dzakaendawo neni, uye takasvikopinda mumba momurume uya. Akatirondedzera maonero aakanga aita mutumwa mumba make, uyo akati, ‘Tuma vanhu kuJopa kuna Simoni anonzi Petro. Iye achakuvigirai shoko richaponesa iwe neveimba yako vose.’ “Pandakatanga kutaura, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavo samauyiro aakaita kwatiri pakutanga. Ipapo ndakarangarira zvakanga zvarehwa naShe achiti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa noMweya Mutsvene.’ Saka kana Mwari akavapa chipo chimwe chetecho chaakatipa isu, vakatenda muna Ishe Jesu Kristu, ko, ini ndaigova ani zvangu kuti ndipikisane naMwari?” Vakati vanzwa izvozvo, vakashayiwa zvimwe zvokureva uye vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka zvino Mwari akapawo vedzimwe ndudzi kutendeuka kunotungamirira kuupenyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 11

Mabasa 11:1-18 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)

Zvino vapostori nehama, vaiva paJudhea, vakanzwa kuti vahedheni vakagamuchirawo shoko raMwari. Zvino Petirosi akati akwira Jerusaremu, vatendi vokudzingisa vakaita nharo naye, vachiti, “Wakapinda iwe kuvarume vasina kudzingiswa, ukadya navo.” Zvino Petirosi akatanga kuvarondedzera zvose, zvichitevedzana, achiti, “Ndakanga ndiri muguta reJopa, ndichinyengetera; ndikabatwa mweya, ndikaona chiratidzo; chimwe chinhu chakaburuka, chinenge mucheka mukuru unoburuswa kudenga wakasungwa miromo mina, chikasvika pandiri; ndakati ndachitarisisa, nokucherekedza, ndikaona mhuka dzenyika dzina makumbo mana nezvikara, nezvinokambaira, neshiri dzedenga, ndikanzwawo izwi richiti kwandiri, ‘Simuka Petirosi, baya, udye.’ Asi ini ndikati, ‘Kwete Ishe, nokuti mumuromo mangu hamuna kumbopinda chinhu chisakanaka, chine tsvina.’ Asi izwi rakapindura rwechipiri, richibva kudenga, richiti, ‘Icho chakanatswa naMwari, iwe usati, hachina kunaka.’ “Izvozvo zvakaitwa katatu, zvose zvikakwidzwazve kudenga. Ipapo, tarira, pakarepo varume vatatu vamira pamberi peimba, matakanga tiri, vakanga vatumirwa kwandiri, vachibva Kesaria. “Ipapo Mweya akandiudza, kuti ndiende navo, ndisinganyunyuti. Nehama idzi nhanhatuwo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. Iye akatiudzawo kuti akaona mutumwa amire mumba make, achiti, ‘Tumira Jopa, udane Simoni, anonzi Petirosi; iye achakuudza mashoko auchaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose.’ Zvino ndakati ndichatanga kutaura, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavo, sapamusoro peduwo pakutanga. Ini ndikarangarira shoko raIshe, rokuti, ‘Johani akabhabhatidza nemvura, asi imi muchabhabhatidzwa naMweya Mutsvene.’ “Zvino kana Mwari akavapa chipo icho chaakatipa isu, pakutenda kwedu kuna Ishe Jesu Kristu, ini ndaigova ani, aigona kudzivisa Mwari?” Zino vakati vanzwa izvozvo, vakanyarara, vakakudza Mwari, vachiti, “Zvirokwazvo, Mwari akapa vahedheniwo kutendeuka kwoupenyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 11

Mabasa 11:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)

Vapositori navehama vaiva kuJudhea vakanzwa kuti vechirudzi vakanga vagamuchirawo Shoko raMwari. Naizvozvo Pita paakakwira kuJerusaremu vechikwata chevokudzingiswa vakamutsoropodza vachiti, “Makaenderei kuvanhu vasina kudzingiswa muchidya navo?” Pita akatanga kutsanangura achinyatsovarondedzera zvakaitika, achiti: “Ndaiva muguta reJopa ndichinamata; ndiri mumweya ndakaona, chiratidzo chechimwe chinhu chaiburuka chaiita sejira guru richidzikiswa richibva kudenga richiita serakabatwa namakona aro mana. Rakaburuka richiuya kwandiri. Pandakanyatsoritarisisa ndakaona mhuka nezvikara zvinodya nyama nezvinozvova napasi neshiri dzedenga. Ndakanzwa izwi richiti kwandiri, ‘Pita simuka uuraye udye.’ Asi ndakati, ‘Kwete, Tenzi, handisati ndambodya, zvisingakodzeri kana zvakan'ora.’ Asi izwi rakapindura kechipiri richibva kudenga richiti, ‘Zvinenge zvachenurwa naMwari usazviti zvakan'ora.’ Izvi zvakaitika katatu. Zvose zvikabva zvasimudzwa zvichiendeswa kudenga. Panguva yakareyo varume vatatu vakasvika pamba pataigara vakanga vatumwa kwandiri vachibva kuSezaria. Mweya akandiudza kuti ndiende navo pasina zvorusaruro. Vehama vatanhatu ava vakaendawo neni. Takapinda mumba momurume iyeyo. Akatirondedzera kuona kwaakaita mutumwa amire mumba make achiti, ‘Tuma vanhu kuJopa vauye naSimoni anonzi Pita. Iye achakutaurira shoko richakuponesa iwe nemhuri yako yose.’ Pandakatangisa kutaura Mweya Mutsvene akaburukira pavari sezvakangoitikawo patiri pakutanga paya. Ndakayeuka shoko raTenzi paakati, ‘Johani aiombeka nemvura asi imi muchaombekwa naMweya Mutsvene.’ Zvino kana Mwari akapa chipo chimwechetecho chaakapa kwatiri patakatenda muzita raTenzi Jesu Kristu. Ko ndiri aniwo zvangu ndaigona kumirisana naMwari.” Pavakanzwa izvi vakapwiswa vakarumbidza Mwari vachiti, “Saka Mwari anoitawo kuti vechirudzi vatendeuke vawane upenyu.”

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 11

Mabasa 11:1-18 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)

Ɀino ʋaapostora nehama, ʋaiʋa paJudea, ʋakanzwa kuti ʋahedeni ʋakagamucira ʋo shoko raMŋari. Ɀino Petro wakati akwira Jerusarema, ʋatendi ʋokudziŋgisa ʋakaita nharo naye, ʋaciti: Wakapinda iwe kuʋarume ʋasina‐kudziŋgiswa, ukadya naʋo. Ɀino Petro akataŋga kuʋarondedzera ɀose, ɀiciteʋedzana, aciti: Ndakaŋga ndiri muguta reJopa, ndicinyeŋgetera; ndikaɓatwa mŋeya, ndikaʋona ciratidzo; cimŋe cinhu cakaɓuruka, cineŋge muceka mukuru unoɓuruswa kuɗeŋga wakasuŋgwa miromo minna, cikaȿika kwandiri; ndakati ndacitarisisa, nokucerekedza, ndikaʋona mhuka dzenyika dzinamakumbo manna neɀikara, neɀinokambaira, neshiri dzeɗeŋga, ndikanzwa ʋo inzwi riciti kwandiri: Simuka Petro, ɓaya, udye. Asi ini ndikati: Kwete Ishe, nokuti mumuromo maŋgu hamuna‐kumbopinda cinhu cisakanaka, cinetȿina. Asi inzwi rakapindura rwecipiri, ricibva kuɗeŋga, riciti: Ico cakanatswa naMŋari, iwe usati, hacina‐kunaka. Iɀoɀi ɀakaitwa katatu, ɀose ɀikakwidzwa ɀe kuɗeŋga. Ipapo, tarira, pakarepo ʋarume ʋatatu ʋamira pamberi peimba, matakaŋga tiri, ʋakaŋga ʋatumirwa kwandiri, ʋacibva Kesaria. Ipapo Mŋeya wakandiʋudza, kuti ndiende naʋo, ndisiŋganyunyuti. Nehama idzi nhanhatu ʋo dzakandiperekedza, tikapinda mumba momurume uyu. Iye akatiʋudza ʋo kuti wakaʋona mutumŋa amire mumba make, aciti: Tumira Jopa, uɗane Simoni, unonzi Petro; iye ucakuʋudza mashoko aucaponeswa nawo, iwe nemhuri yako yose. Ɀino ndakati ndicataŋga kutaura, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋo, sapamsoro peɗu ʋo pakutaŋga. Ini ndikaraŋgarira shoko raShe, rokuti: Johane wakabapatidza nemvura, asi imi mucabapatidzwa muMŋeya Mutȿene. Ɀino kana Mŋari akaʋapa cipo ico caakatipa isu, pakutenda kweɗu kunaShe Jesu Kristu, ini ndaigoʋa ani, waigona kudziʋisa Mŋari? Ɀino ʋakati ʋanzwa iɀoɀo, ʋakanyarara, ʋakakudza Mŋari, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, Mŋari wakapa ʋahedeni ʋo kutendeʋuka kwoʋupenyu.

Pakurirana nevamwe
Verenga chikamu Mabasa 11

Mabasa 11:1-18 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)