Mabasa 10:44-46
Mabasa 10:44-46 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo. Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati
Mabasa 10:44-46 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko. Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petirosi akapindura, akati
Mabasa 10:44-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri. Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi, nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari.
Mabasa 10:44-46 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko. Ɀino ʋatendi ʋokudziŋgisa, ʋakaŋga ʋaʋuya naPetro, ʋakashamiswa, nokuti cipo coMŋeya Mutȿene cakaŋga caɗururwa pamsoro paʋahedeni ʋo; nokuti ʋakaʋanzwa ʋacitaura nedzimŋe ndimi, ʋacirumbidza Mŋari. Ipapo Petro akapindura, akati
Mabasa 10:44-46 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)