Mabasa 10:39-48
Mabasa 10:39-48 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
“Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusarema. Vakamuuraya nokumuturika pamuti, asi Mwari akamumutsa kubva kuvakafa nezuva retatu akaita kuti aonekwe. Haana kuonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakanga zvagara zvasarudzwa naMwari nesu takadya uye tikanwa naye shure kwokumuka kwake kubva kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidze kuvanhu uye tipupure kuti ndiye akagadzwa naMwari kuti ave mutongi wavapenyu navakafa. Vaprofita vose vanopupura nezvake kuti ani naani anotenda kwaari anogamuchira kanganwiro yezvivi kubudikidza nezita rake.” Petro achiri kutaura mashoko aya, Mweya Mutsvene akauya pamusoro pavose vakanzwa shoko. Vatendi vakadzingiswa vakanga vauya naPetro vakakatyamara nokuti chipo choMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange napamusoro pevedzimwe ndudziwo. Nokuti vakavanzwa vachitaura nendimi vachirumbidza Mwari. Ipapo Petro akati, “Pano munhu angadzivisa vanhu ava kuti vabhabhatidzwe nemvura here? Vagamuchira Mweya Mutsvene sezvatakangoitawo isu.” Naizvozvo akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira Petro kuti ambogara navo kwamazuva mashoma.
Mabasa 10:39-48 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nesu tiri zvapupu zvazvose, zvaakaita munyika yavaJudha nomuJerusaremu; ndiye wavakauraya, vachimuturika pamuti. “Ndiye akamutswa naMwari nezuva retatu, akamupa simba kuti aonekwe pachena; akasaonekwa navanhu vose, asi nezvapupu zvakagara zvatsaurwa naMwari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuvakafa. Akatirayira kuti tiparidzire vanhu, nokupupura kwazvo kuti ndiye akagadzwa naMwari, kuti ave Mutongi wavapenyu navakafa. “Vaporofita vose vanomupupurira kuti nezita rake mumwe nomumwe anotenda kwaari achapiwa ruregerero rwezvivi.” Petirosi akati achataura mashoko awa, Mweya Mutsvene akaburuka pamusoro pavose, vakanzwa shoko. Zvino vatendi vokudzingisa, vakanga vauya naPetirosi, vakashamiswa, kuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururwa pamusoro pavahedheniwo; nokuti vakavanzwa vachitaura nedzimwe ndimi, vachirumbidza Mwari. Ipapo Petirosi akapindura, akati, “Kuno munhu here angadzivisa mvura, kuti ava, vakapiwa Mweya Mutsvene sesu, varege kubhabhatidzwa?” Zvino akarayira kuti vabhabhatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo vakakumbira kwaari, kuti ambogara mamwe mazuva.
Mabasa 10:39-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Isu tiri zvapupu zvezvinhu zvose zvaakaita munyika yavaJudha neJerusaremu. Vakamuuraya nokumuturika pamuti. Mwari akamumutsa pazuva retatu akamuratidza kwete kuvanhu vose asi kunesu vakasarudzwa naMwari kuva zvapupu isu takadya nokunwa naye mushure mokumuka kwake muvafi; uye akatiti tinofanira kundoparidza vanhu nokupupura kuti ndiye akagadzwa naMwari kuva mutongi wavapenyu navakafa. Vaporofita vose vanomupupurira kuti munhu wose anotenda kwaari anoregererwa zvitadzo zvake muzita rake.” Pita paakanga achiri kutaura, Mweya Mutsvene akaburikira pana vose vakanzwa shoko iri. Vatendi pakati pavakadzingiswa vakanga vauya naPita vakashamiswa, nokuti chipo chaMweya Mutsvene chakanga chadururirwa kunyange pane vechirudzi, nokuti vakanzwa vachitaura nendimi uye vachirumbidza Mwari. Ipapo Pita akati, “Pana angarambidze here kuti vanhu ava vaombekwe nemvura vadai kugashira Mweya Mutsvene sokugamuchira kwatakamuita?” Akabva ati ngavaombekwe muzita raJesu Kristu. Vakazomukumbira kuti ambogara navo kwamazuva akati kuti.
Mabasa 10:39-48 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nesu tiri ɀapupu ɀaɀose, ɀaakaita munyika yaʋaJuda nomuJerusarema; ndiye waʋakaʋuraya, ʋacimuturika pamuti. Ndiye wakamutswa naMŋari nezuʋa retatu, akamupa simba kuti aʋonekwe pacena; akasaʋonekwa naʋanhu ʋose, asi neɀapupu ɀakagara ɀatsaurwa naMŋari, iyesu, taidya nokunwa naye, amuka kuʋakafa. Akatiraira kuti tiparidzire ʋanhu, nokupupura kwaɀo kuti ndiye wakagadzwa naMŋari, kuti aʋe Mutoŋgi waʋapenyu naʋakafa. Ʋaprofita ʋose ʋanomupupurira kuti nezita rake mumŋe nomumŋe unotenda kwaari ucapiwa kaŋganwiro yeɀiʋi. Petro wakati acataura mashoko awa, Mŋeya Mutȿene akaɓuruka pamsoro paʋose, ʋakanzwa shoko. Ɀino ʋatendi ʋokudziŋgisa, ʋakaŋga ʋaʋuya naPetro, ʋakashamiswa, nokuti cipo coMŋeya Mutȿene cakaŋga caɗururwa pamsoro paʋahedeni ʋo; nokuti ʋakaʋanzwa ʋacitaura nedzimŋe ndimi, ʋacirumbidza Mŋari. Ipapo Petro akapindura, akati: Kunomunhu here uŋgadziʋisa mvura, kuti aʋa, ʋakapiwa Mŋeya Mutȿene sesu, ʋarege kubapatidzwa? Ɀino akaraira kuti ʋabapatidzwe muzita raJesu Kristu. Ipapo ʋakakumbira kwaari, kuti ambogara mamŋe mazuʋa.
Mabasa 10:39-48 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)