Mabasa 10:24 - Enzanisa Shanduro Dzose
Mabasa 10:24 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Zuva rakatevera akasvika Kesaria. Koniriasi akanga akavamirira uye akanga akoka hama dzake neshamwari dzapedyo.
Mabasa 10:24 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Fumezve mangwana akapinda Kesaria. Zvino Konerio akanga akavamirira, akakokera hama dzake neshamwari dzake dzaidikanwa.
Mabasa 10:24 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Fume ɀe maŋgwana akapinda Kesaria. Ɀino Kornerio wakaŋga akaʋamirira, akakokera hama dzake neshamŋari dzake dzaiɗikanwa.
Mabasa 10:24 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo.
Mabasa 10:24 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Pazuva rinotevera racho vakapinda muSezaria. Koneriasi anga achivatarisira uye, akanga atodaidza hama neshamwari dzake dzapamwoyo.