Mabasa 1:8-10 - Compare All Versions
Mabasa 1:8-10 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Asi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema, nomuJudhea mose, nomuSamaria, kusvikira kumigumo yenyika.” Mushure mokunge ataura izvi, akakwidzwa kudenga pamberi pameso avo chaipo, uye gore rikamufukidza vakasazomuona. Vakanga vakatarisisa paakanga achienda, uye pakarepo varume vaviri vakanga vakapfeka nguo chena vakamira pavari.
Mabasa 1:8-10 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi muchapiwa simba, kana Mweya Mutsvene auya pamusoro penyu; ipapo muchava zvapupu zvangu muJerusaremu, nomuJudhea yose, nomuSamaria, kusvikira kumugumo wenyika.” Zvino akati areva izvozvi, akakwidzwa, vachitaririra; gore rikamubvisa, vakasazomuona. Zvino vachitarisisa kudenga, iye achikwira, tarira, varume vaviri vamira navo vakafuka nguo chena
Mabasa 1:8-10 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi mucapiwa simba, kana Mŋeya Mutȿene waʋuya pamsoro penyu; ipapo mucaʋa ɀapupu ɀaŋgu paJerusarema, napaJudea rose, napaSamaria, nokuȿikira kumugumo wenyika. Ɀino wakati areʋa iɀoɀi, akakwidzwa, ʋacitaririra; gore rikamubvisa, ʋakasazomuʋona. Ɀino ʋacitarisisa kuɗeŋga, iye acikwira, tarira, ʋarume ʋaʋiri ʋamira naʋo ʋakafuka ŋguʋo cena
Mabasa 1:8-10 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)
Asi imi muchagamuchira simba kana Mweya Mutsvene auya pamuri uye muchava zvapupu zvangu muJerusaremu nomuJudhea yose nokuSamaria kusvika kwakaperera nyika?” Paakapedza kutaura izvi akasimudzwa vakatarisa kudaro, gore richimukwidza kudenga rikaita kuti asaonekwe kwavari. Vachiri kunan'anidza kudenga, paaienda; havo varume vaviri vakamira pavari vakapfeka magemenzi machena.
Mabasa 1:8-10 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)