Logo yeApp yeBhaibheri
Mucherechedzo Wekutsvaka

3 Johani 1:2-4 - Enzanisa Shanduro Dzose

3 Johani 1:2-4 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 BDSC

3 Johani 1:2-4 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SNA2002

3 Johani 1:2-4 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako. Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi. Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SUB1949

3 Johani 1:2-4 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SCLB

3 Johani 1:2-4 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SCLBD