Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

3 Johani 1:1-8 - Compare All Versions

3 Johani 1:1-8 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)

Mukuru, kushamwari yangu inodikanwa Gayo, wandinoda muchokwadi. Mudikani, ndinonyengetera kuti uve noutano hwakanaka uye kuti zvose zvikunakire kunyange sokufara kwomweya wako. Ndakafara kwazvo dzimwe hama padzakauya dzikandiudza nezvokutendeka kwako pachokwadi uye kuti unoramba uchifamba sei muchokwadi. Hapana chimwe chinhu chinondifadza kupfuura kunzwa kuti vana vangu vari kufamba muchokwadi. Mudikani, wakatendeka pane zvaunoita kuhama, kunyange vasiri vanhu vaunoziva. Vakataurira kereke nezvorudo rwako. Uchaita zvakanaka kana ukavadzosazve nenzira yakafanira pamberi paMwari. Nokuda kweZita iri vakabuda, vasingagamuchiri rubatsiro kubva kuvahedheni. Naizvozvo tinofanira kugamuchira vanhu vakadai kuti tishande pamwe chete muchokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 BDSC

3 Johani 1:1-8 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)

Mukuru kuna Gayo, mudikanwi, wandinoda nechokwadi. Mudikanwi, ndinokunyengetera kuti ufare pazvinhu zvose, uye uve mukukutu, sokufara kwomweya wako. Nokuti ndakafara zvikuru hama dzichisvika dzichikupupurira chokwadi yako, dzichiti, unofamba muchokwadi. Handina mufaro unopfuura uyu, wokuti ndinzwe kuti vana vangu vanofamba muchokwadi. Mudikanwi, unobata basa rakatendeka pazvinhu zvose zvaunoitira hama navaeniwo; vakapupurira rudo rwako pamberi pekereke; uchaita zvakanaka kana uchivaperekedza nomutoo wakafanira Mwari. Nokuti vakabuda nokuda kweZita rake, vasingatori chinhu kuvahedheni. Naizvozvo isu tinofanira kugamuchira zvakanaka vakadaro, kuti tibatsirane pachokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SNA2002

3 Johani 1:1-8 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))

Mukuru kunaGayo, muɗikanwa, wandinoɗa neɀokwaɗi. Muɗikanwa, ndinokunyeŋgetera kuti ufare paɀinhu ɀose, ʋuye uʋe mukukutu, sokufara kwomŋeya wako. Nokuti ndakafara ɀikuru hama dziciȿika dzicipupurira ɀokwaɗi yako, dziciti, unofamba muɀokwaɗi. Handinomufaro unopfuʋura uyu, wokuti ndinzwe kuti ʋana ʋaŋgu ʋanofamba muɀokwaɗi. Muɗikanwa, unoɓate‐ɓasa rakatendeka paɀinhu ɀose ɀaunoitira hama naʋaeni ʋo; ʋakapupurira ruɗo rwako pamberi pekereke; ucaita ɀakanaka kana uciʋaperekedza nomutoʋo wakafanira Mŋari. Nokuti ʋakaɓuɗa nokuɗa kweZita rake, ʋasiŋgatori cinhu kuʋahedeni. Naiɀoɀo isu tinofanira kugamucira ɀakanaka ʋakaɗaro, kuti tiɓatsirane paɀokwaɗi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SUB1949

3 Johani 1:1-8 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)

Ini mukuru wesangano, ndinokunyorera iwe Gayusi wandinoda wapamwoyo pangu zvechokwadi. Mudikanwi, ndinonamata kuti dai waro zvinhu zvose zvangokufambira zvakanaka uye kuti uve noutano hwakanaka. Ndine chokwadi chokuti pane zvomweya wako, muchete. Ndakafara zvikuru vamwe vedu pavakasvika vachipupurawo nezvechokwadi chiri mauri sokutevedzawo kwaunoita idi zviri pachokwadi. Hapana chingandifadze kupfuura izvi zvokunzwa kuti vana vangu vari kutevedza chokwadi. Mudikanwi, chinhu chakatendeka chaunoita chokubatsira kwaunoita vamwe vedu, zvikuru kuvaenzi. Ivowo vakapupura nezvorudo rwako kusangano. Chingave chinhu chakanaka kuvabatsira kuenderera mberi nerwendo rwavo nomutowo unofadza Mwari. Chakaita kuti vapinde munzira, izita iroro uye hapana chavakatambira kubva kuna vasiri vanamati. Naizvozvo isu tinofanira kutsigira vanhu vakadai tive vashandipamwe muchokwadi.

Pakurirana nevamwe
3 Johani 1 SCLB

3 Johani 1:1-8 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)

3 Johani 1 SCLBD