2 Timoti 4:1-4
2 Timoti 4:1-4 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Ndinokurayira pamberi paMwari naKristu Jesu, achatonga vapenyu navakafa uye pamusoro pokuonekwa kwake noushe hwake kuti: Paridza shoko; ugare wakagadzirira panguva yakafanira kunyange isakafanira; rayira, tsiura, uye ukurudzire nomwoyo murefu zvikuru uye nokudzidzisa zvakanaka. Nokuti nguva ichasvika vanhu pavacharamba kuteerera dzidziso yakarurama. Asi vachida zvinovafadza ivo, vachazviunganidzira vadzidzisi vazhinji kuti vadzidzise zvinodiwa nenzeve dzavo. Vachafuratidza nzeve dzavo kuchokwadi uye vachatsaukira kungano.
2 Timoti 4:1-4 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Ndinokupupurira kwazvo pamberi paMwari, naKristu Jesu, iye achatonga vapenyu navakafa pakuonekwa kwake noushe hwake; paridza shoko; ramba uchidaro nenguva yakafanira, kunyange isakafanira; rayira, tuka, ranga nomwoyo murefu zvikuru nokudzidzisa. Nokuti nguva ichasvika yavacharamba kutendera dzidziso yakarurama, asi, vachida kufadzwa panzeve dzavo, vachazviunganidzira vadzidzisi pakuchiva kwavo, vachifuratidza nzeve dzavo pachokwadi, vachitsaukira kungano.
2 Timoti 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ndinokukomeresa pamberi paMwari uye pamberi paKristu Jesu achazotonga vapenyu navakafa, pamberi paiye achazozviratidza muumambo hwake. Paridza shoko. Ramba uchingoriparidza panguva yarinofanira kuparidzwa kana panguva isiri yokuriparidza. Vataurire vazvinzwe; tsiura; uye vakurudzire. Usanete kuva nomwoyo murefu uye usanete kudzidzisa. Nokuti nguva iri kuuya vanhu pavanenge vasisadi chidzidziso chechokwadi vave nenzeve dzinovava vachizviunganidzira vadzidzisi vanowirirana nezvavanoda. Vachafuratira chokwadi votendeukira kune zvengano.
2 Timoti 4:1-4 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ndinokupupurira kwaɀo pamberi paMŋari, naKristu Jesu, iye ucatoŋga ʋapenyu naʋakafa pakuʋonekwa kwake noʋushe bgake; paridza shoko; ramba uciɗaro neŋguʋa yakafanira, kunyaŋge isakafanira; raira, tuka, raŋga nomŋoyo murefu ɀikuru nokudzidzisa. Nokuti ŋguʋa icaȿika yaʋacaramba kutendera dzidziso yakarurama, asi, ʋaciɗa kufadzwa panzeʋe dzaʋo, ʋacaɀiʋuŋganidzira ʋadzidzisi pakuciʋa kwaʋo, ʋacifuratidza nzeʋe dzaʋo paɀokwaɗi, ʋacitsaukira kuŋgano.
2 Timoti 4:1-4 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)