2 Timoti 3:15-16
2 Timoti 3:15-16 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
uye kuti kubva pauduku wakaziva Magwaro matsvene, anogona kukupa uchenjeri hunosvitsa kukuponeswa kubudikidza nokutenda muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafemerwa naMwari uye runobatsira pakudzidzisa, kurayira, kutsiura nokurayiridza mukururama
2 Timoti 3:15-16 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuti kubvira paucheche hwako wakaziva Magwaro Matsvene anogona kukupa uchenjeri hunoisa kukuponeswa nokutenda kuri muna Kristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMwari, runobatsira pakudzidzisa, nokurayira, nokururamisa, nokuranga kuri mukururama
2 Timoti 3:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Unofanira kuziva kuti waiziva kubvira pauduku hwako Magwaro Matsvene anokwanisa kukudzidzisa kuti uponeswe nechitendero chako muna Kristu Jesu. Magwaro Matsvene ose akafemerwa naMwari uye ane basa pakudzidzisa napakutsiura napakugadziridza munhu uye pakudzidzisa kuita zvakanaka
2 Timoti 3:15-16 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kuti kubvira paʋucece bgako wakaziʋa Manyoro Matȿene anogona kukupa ʋucenjeri bgunoisa kukuponeswa nokutenda kuri munaKristu Jesu. Rugwaro rwose rwakafuridzirwa naMŋari, runoɓatsira pakudzidzisa, nokuraira, nokururamisa, nokuraŋga kuri mukururama
2 Timoti 3:15-16 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)