2 Timoti 2:23-25 - Compare All Versions
2 Timoti 2:23-25 BDSC (Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi)
Usava nechokuita nemibvunzo youpenzi isina maturo, nokuti unoziva kuti inongomutsa kukakavara. Zvino muranda waIshe haafaniri kukakavara; asi anofanira kuva munyoro kumunhu wose, achigona kudzidzisa, asingatsamwi. Vaya vanomupikisa anofanira kuvadzidzisa nounyoro, aine tariro yokuti Mwari achavapa kutendeuka vagoziva chokwadi
2 Timoti 2:23-25 SNA2002 (Shona Bible 1949, revised 2002)
Asi urambe mibvunzo youpenzi nokusaziva, uchiziva kuti zvinobereka kukakavara. Zvino muranda washe haafaniri kukakavara, asi ave munyoro kuvanhu vose, anoziva kudzidzisa, anotsungirira pakuitirwa zvakaipa, anodzidzisa nounyoro avo vanomudzivisa, kuti zvimwe Mwari avape kutendeuka vagoziva chokwadi
2 Timoti 2:23-25 SCLBD (Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika)
Siyana nenharo dzoupenzi dzisina musoro. Iwe unoziva kuti dzinomutsa gakava. Muranda waTenzi haafaniri kuva munhu wenharo asi kuva nomutsa kuvanhu vose ari mudzidzisi kwaye ano mwoyo murefu, anodzora vanorwisana naye nounyoro. Zvichida Mwari anovasvitsa pakutendeuka vakasvika pakuziva chokwadi
2 Timoti 2:23-25 SUB1949 (Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke))
Asi urambe mibvunzo yoʋupenzi nokusaziʋa, uciziʋa kuti ɀinoɓereka kukakaʋara. Ɀino muranda waShe haafaniri kukakaʋara, asi aʋe munyoro kuʋanhu ʋose, unoziʋa kudzidzisa, unotsuŋgirira pakuitirwa ɀakaipa, unodzidzisa noʋunyoro aʋo ʋanomudziʋisa, kuti ɀimŋe Mŋari aʋape kutendeʋuka ʋagoziʋa ɀokwaɗi
2 Timoti 2:23-25 SCLB (Bhaibhiri Idzva rechiShona)