2 Timoti 1:6-8
2 Timoti 1:6-8 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokudaro ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzire chipo chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu pamusoro wako. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi mweya wesimba, neworudo newokuzvidzora. Saka usanyadziswa nokupupura Ishe wedu, kana kunyadziswa neni musungwa wake. Asi utambudzike pamwe chete neni nokuda kwevhangeri, nesimba raMwari
2 Timoti 1:6-8 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nemhaka iyi ndinokuyeudzira kuti ukuchidzire chipiwa chaMwari chiri mauri nokuiswa kwamaoko angu. Nokuti Mwari haana kutipa mweya wokutya, asi wesimba, noworudo, nowokuzvidzora. Naizvozvo usanyadziswa nokupupurira Ishe wedu, kana ini, musungwa wake, asi utambudzike pamwechete neni nokuda kweVhangeri nesimba raMwari
2 Timoti 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Naizvozvo ndinokuyeuchidza kuti ukuchidzirezve chipo chaMwari chiri mauri chawakawana nokukuisa maoko pamusoro kwandakuita nokuti Mwari haana kutipa mweya woumbwende asi mweya wesimba norudo nowokuzvibata. Saizvozvo usanyare kupupurira Tenzi wedu kana kundipupurirawo ini musungwa wake, nesimba raunopiwa naMwari. Chikonzero chiri chokuti utambudzikewo pamwechete neni pamusana peShoko Rakanaka
2 Timoti 1:6-8 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nemhaka iyi ndinokuyeʋudzira kuti ukucidzire cipiwa caMŋari ciri mauri nokuiswa kwamaʋoko aŋgu. Nokuti Mŋari haana‐kutipa mŋeya wokutya, asi wesimba, noworuɗo, nowokuɀidzora. Naiɀoɀo usanyadziswa nokupupurira Ishe weɗu, kana ini, musuŋgwa wake, asi utambudzike pamŋe cete neni nokuɗa kweEvaŋgeri nesimba raMŋari
2 Timoti 1:6-8 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)