2 Timoti 1:2-3
2 Timoti 1:2-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
kuna Timoti mwanakomana wangu anodikanwa: Nyasha, ngoni norugare zvinobva kuna Mwari Baba naKristu Jesu, Ishe wedu ngazvive newe. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira sezvakaitwa namadzitateguru angu, nehana yakachena, sezvo ndichikurangarira muminyengetero yangu usiku namasikati.
2 Timoti 1:2-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
kuna Timoti, mwana wangu anodikanwa: Nyasha, nengoni, norugare, zvinobva kuna Mwari Baba, naKristu Jesu, Ishe wedu, ngazvive newe. Ndinovonga Mwari, wandinoshumira samadziteteguru angu, nehana yakachena, kana ndichiramba ndichikurangarira pakukumbira kwangu husiku namasikati
2 Timoti 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
ndinokunyorera iwe Timoti mwana wangu wapamwoyo ndichiti: Dai Mwari angokupa chikomborero chenyasha nengoni norugare zvichibva kuna Mwari Baba naKristu Jesu Tenzi wedu. Ndinotenda Mwari wandinoshandira nemwoyo wakachena sezvakaitwa namadzibaba angu pandinokuyeuka nguva dzose muminamato yangu.
2 Timoti 1:2-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
kunaTimotio, mŋana waŋgu unoɗikanwa: Nyasha, neŋgoni, norugare, ɀinobva kunaMŋar Ƃaɓa, naKristu Jesu, Ishe weɗu, ŋgaɀiʋe newe. Ndinoʋoŋga Mŋari, wandinoshumira samadziteteguru aŋgu, nehana yakacena, kana ndiciramba ndicikuraŋgarira pakukumbira kwaŋgu ʋusiku namasikati
2 Timoti 1:2-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)