2 VaTesaronika 3:10-12
2 VaTesaronika 3:10-12 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Nokuti kunyange pataiva nemi, takakupai murayiro uyu wokuti: “Kana munhu asingashandi, ngaarege kudya.” Tinonzwa kuti vamwe pakati penyu vane usimbe. Havashandi; havaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira uye tinovakurudzira muna Ishe Jesu Kristu kuti vashande chinyararire vagodya chingwa chavanoshandira.
2 VaTesaronika 3:10-12 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Nokuti, nenguva yataiva kwamuri, takakurayirai izvozvo, kuti, “Kana munhu achiramba kubata basa, ngaarege kudyawo.” Nokuti tinonzwa kuti vamwe pakati penyu havafambi netsika dzakafanira, vasina chavanobata, vasingaregi zvavamwe. Vanhu vakadaro tinovarayira nokukumbira kwavari muna Ishe Jesu Kristu, kuti vabate nokunyarara, vadye zvokudya zvavo zvimene.
2 VaTesaronika 3:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Kunyange pataiva tiinemi takakuudzai kuti kana munhu asingadi kushanda ngaarege kudya. Nokuti tinonzwa kuti vamwe venyu vari kugara zvavo maoko; basa ravo riri rokunekaira chete pasina chavanoita. Zvino tinokomera vanhu vakadaro tichivakurudzira muna Tenzi Jesu Kristu kuti vaite basa ravo chinyararire vachizviwanira zvokurarama nazvo.
2 VaTesaronika 3:10-12 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Nokuti, neŋguʋa yataiʋa kwamuri, takakurairai iɀoɀo, kuti kana munhu aciramba kuɓate‐ɓasa, ŋgaarege kudya ʋo. Nokuti tinonzwa kuti ʋamŋe pakati penyu haʋafambi netsika dzakafanira, ʋasina‐caʋanoɓata, ʋasiŋgaregi ɀaʋamŋe. Ʋanhu ʋakaɗaro tinoʋaraira nokukumbira kwaʋari munaShe Jesu Kristu, kuti ʋaɓate nokunyarara, ʋadye ɀokudya ɀaʋo ɀimene.
2 VaTesaronika 3:10-12 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)