2 VaTesaronika 2:3-7
2 VaTesaronika 2:3-7 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa. Achapikisa uye achazvisimudzira pamusoro pezvinhu zvinonzi Mwari kana zvinonamatwa, nokudaro anozvigadza mutemberi yaMwari achizviita Mwari. Hamurangariri here kuti pandaiva nemi ndaisikuudzai zvinhu izvi? Uye iye zvino munoziva chinomudzivisa, kuti aratidzwe nenguva yakafanira. Nokuti chakavanzika chesimba rokutsauka chotoshanda basa; asi uyo anomudzivisa zvino acharamba achiita izvozvo kusvikira iye abviswa.
2 VaTesaronika 2:3-7 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa, iye, anorwa achizvikudza pamusoro pezvose zvinonzi Mwari, kana zvinonamatwa; nokudaro kuti anogara muTemberi yaMwari, achizviita Mwari. Hamurangariri here kuti, ndichiri kwamuri, ndakakuudzai izvozvi? Zvino munoziva chinodzivisa, kuti aratidzwe nenguva yake. Nokuti chakavanzika chokusarurama chotobata basa racho; asi zvichaitwa bedzi kusvikira iye anodzivisa zvino achibviswa.
2 VaTesaronika 2:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena, uya anozvikudza achirwisana nechose chinonzi mwari kana chipi zvacho chinonamatwa atoita chigaro chake mutemberi yaMwari. Hamurangariri here kuti pandakanga ndichinemi ndakakutaurirai izvi. Asi imi munoziva kuti pane chimwe chiri kurambidza kuti izvi zviitike zvino kuti aratidzwe panguva yake nokuti chakavanzika chiya chisina mutemo chavakutoshanda asi uyo arikumbodzivirira–dzivirira achamboita kusvikira abviswa.
2 VaTesaronika 2:3-7 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa, iye, unorwa aciɀikudza pamsoro peɀose ɀinonzi Mŋari, kana ɀinonamatwa; nokuɗaro kuti unogara mutembere yaMŋari, aciɀiita Mŋari. Hamuraŋgariri here kuti, ndiciri kwamuri, ndakakuʋudzai iɀoɀi? Ɀino munoziʋa cinodziʋisa, kuti aratidzwe neŋguʋa yake. Nokuti cakaʋanzika cokusarurama cotoɓate‐ɓasa raco; asi ɀicaitwa ɓedzi kuȿikira iye unodziʋisa ɀino acibviswa.
2 VaTesaronika 2:3-7 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)