2 VaTesaronika 2:1-3
2 VaTesaronika 2:1-3 Bhaibheri Dzvene MuChiShona Chanhasi (BDSC)
Pamusoro pezvokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu uye nokuungana kwedu kwaari, tinokukumbirai, hama, kuti murege kuzungunuswa kana kuvhundutswa nechimwe chiprofita, chiziviso kana tsamba inonzi yakabva kwatiri, ichiti zuva raShe ratosvika. Musarega munhu upi zvake achikunyengerai nenzira ipi zvayo, nokuti zuva iro harisviki kusvikira kumukira kwaitika uye munhu wokutsauka aratidzwa, iye munhu akatongerwa kuparadzwa.
2 VaTesaronika 2:1-3 Shona Bible 1949, revised 2002 (SNA2002)
Zvino tinokumbira kwamuri, hama dzangu, pamusoro pokuuya kwaIshe wedu Jesu Kristu, nokuungana kwedu kwaari; kuti murege kukurumidza kuzununguswa pakufunga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomweya, kana neshoko, kana netsamba, inonzi inobva kwatiri, muchiti zuva raKristu ratosvika; ngakurege kuva nomunhu anokunyengerai nomutoo upi noupi; nokuti harisviki, kana kutsauka kusati kwatanga kuuya, nomunhu wezvivi, mwanakomana wokurashika, asati amboonekwa
2 VaTesaronika 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona rine Dhuterokanonika (SCLBD)
Panyaya yezvokuuya kwaTenzi wedu Jesu Kristu nezvekuungana kwatichaita tichimuchingura, tinokukumbirai hama kuti musabva mapengereka nazvo kana kuita manyawi nazvo zvichibva kumweya kana kushoko kana kutsamba zvinoita sezviri kubva kwatiri zvichiti zuva raTenzi rasvika. Ngaparege kuva nomunhu anokunyengedzai nenzira ipi zvayo nokuti zuva iroro harisikuzouya kupanduka kusati kwatanga kuuya uye munhu asina mutemo uya akatemerwa kuraswa atoratidzwa pachena
2 VaTesaronika 2:1-3 Baiberi Magwaro Matȿene aMŋari 1949 (Doke) (SUB1949)
Ɀino tinokumbira kwamuri, hama dzaŋgu, pamsoro pokuʋuya kwaShe weɗu Jesu Kristu, nokuʋuŋgana kweɗu kwaari; kuti murege kukurumidza kuzunuŋguswa pakufuŋga kwenyu, kana kuvunduswa, kana nomŋeya, kana neshoko, kana neŋwadi, inonzi inobva kwatiri, muciti zuʋa raKristu ratoȿika; ŋgakurege kuʋa nomunhu unokunyeŋgerai nomutoʋo upi noupi; nokuti hariȿiki, kana kutsauka kusati kwataŋga kuʋuya, nomunhu weɀiʋi, mŋanakomana wokurashika, asati amboʋonekwa
2 VaTesaronika 2:1-3 Bhaibhiri Idzva rechiShona (SCLB)